RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 8/8 pp. 21-22
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Kutsanangurirwa
  • Kurondedzera Chinonzi Kufanorongerwa
  • Chinhu Chinotema
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 8/8 pp. 21-22

Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?

“KUFANORONGERWA kwakauraya vakawanda uye kwakaponesa vamwe,” rakazivisa kudaro bepanhau rinonzi International Herald Tribune. Gore rapera, kurwisa kwakaita magandanga mizinda yevamiririri veAmerica iri muKenya neTanzania kwakauraya vanhu vanenge 200 ndokukuvadza mazana. Zvisinei, “nguva yazvakaitika ndiyo yakaita kuti vamiririri vakuru vemuzinda wacho vapone,” rakadaro bepanhau racho.

Ava vakaponeswa nokuti vakanga vari kumusangano mune imwe nzvimbo yechivako chacho kure nokwakaputika. Asi mukuru mukuru wemuzinda wacho, uyo aizodai akanga apinda musangano wacho asi asina kuzopinda, akanga ari munzvimbo yaiva pedyo nokwakaputika uye akaurayiwa.

“Kufanorongerwa kwakaitirawo Arlene Kirk utsinye,” rakadaro bepanhau racho. Paakanga achidzoka kuKenya achibva kuzororo, Arlene akazvipira kupa mumwe munhu chigaro chake mundege yaiva nevakawanda vakanga vanyoresa kuti vakwire. Zvisinei, vamwe vaida kukwirawo ndege iyi vakamutangira kupa zvigaro zvavo, zvikamuita kuti akwire ndege yacho. Saka, akadzoka kubasa pamuzinda wevamiririri wacho pazuva rokuputika kwacho uye akaurayiwa.

Nhamo hachizi chinhu chitsva kumunhu. Asi, kutsanangura nhamo hakufi kwakava nyore. Kakawanda, munjodzi nemungwavaira munyika yose, vamwe vanofa nepo vamwe vachipona. Zvisinei, hamusi munguva dzenjodzi dzoga munonetseka vamwe kuti, ‘Nei zvichiitika kwandiri?’ Nyange pazvinhu zvakanaka zvinoitika muupenyu, vamwe vanoita sevanowana zvinhu zvichivafambira zviri nani kupfuura vamwe. Nepo kune vakawanda upenyu huri hwokungogara vachitamburira, kune vamwe zvinhu zvinoita sezvinongozviita zvoga. Saka, ungabvunza kuti, ‘Kuti zvose izvi zvingava zvakarongwa munzira yakati here? ‘Kufanorongerwa kunodzora upenyu hwangu here?’

Kutsvaka Kutsanangurirwa

Anenge makore 3 000 akapfuura, mumwe mambo akachenjera akaona zvinhu zvaakanga asingatarisiri zvichiitika kwaari. Akatsanangura zviitiko izvi sezvinotevera: “Vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Dzimwe nguva zvisingatarisirwi zvinoitika. Kungoti hapana nzira yokufanozviziva nayo. Zviitiko zvinokosha, zvakanaka nezvakashata, kakawanda zvinotemwa nenguva yazvinoitika.

Zvisinei, ungavawo nemaonero evaya vanoona zvichikonzerwa nerimwewo simba—kufanorongerwa panzvimbo pokutsanangura zvinhu sezvinongozviitikira zvega. Kudavira kufanorongerwa kana kuti kufanosarudzirwa ndechimwe chezvitendero zvinodavirwa nomunhu zvekare kare uye zvakanyanya kupararira.a Purofesa François Jouan, mutungamiriri weCenter for Mythological Research paYunivhesiti yeParis, anoti: “Hapana zera kana nguva yokuvandudzika kwezvinhu isina kudavira kuti pana mwari ane unyanzvi anofanosarudza . . . kuti vatsanangure zvose zvisingatsananguriki muupenyu hwedu.” Ndokusaka zvakajairika kunzwa vanhu vachiti: “Nguva yokufa kwake yanga isati yasvika” kana kuti, “Ndizvo zvanga zvakarongwa.” Asi kufanorongerwa kudini?

Kurondedzera Chinonzi Kufanorongerwa

Shoko rechiNgezi rinoreva kuti “kufanorongerwa” rinobva mune rechiLatin rokuti fatum, rinoreva kuti “kuzivisa kwouprofita, zvinotaurwa nesvikiro, zvinotemwa namwari.” Nepo dzimwe nguva simba rinongoerekana ravapo rinofungidzirwa kuti rinosarudza zvomunguva yemberi nenzira isingadzivisiki uye isingatsananguriki, kakawanda kacho, simba iri rinofungidzirwa kuva mwari.

Munyori wezvechitendero Helmer Ringgren anotsanangura kuti: “Chinhu chinokosha mumafungiro echitendero ipfungwa yokuti kufanosarudzirwa kwomunhu hachisi chinhu chisina zvachinoreva kana chinongoerekana chaitika, asi chinokonzerwa nesimba rinokonzera zvatinoda kana zvatinoda kuita.” Nepo kupindira kwakati kuchiwanzofungidzirwa kuti kunoita, vanhu vakawanda vanoona vanhu sezvinhu zvisingabatsiri zvisina zvazvinogona kuita. Saka vano‘sangana nezvavakafanorongerwa.’

Nyanzvi dzechitendero nevazivi vakabvira kare vachitamburira kutsanangura chinonzi kufanorongerwa. The Encyclopedia of Religion inoti: “Pfungwa yokufanorongerwa, mumatsanangurirwe ainoitwa akasiyana-siyana, mutauro, kana kuti zvainoreva, inongoramba ine pfungwa huru yechakavanzika.” Zvisinei, chinoramba chichionekwa mupfungwa dzacho dzose idzidziso yokuti pane simba guru riri kudzora nokutungamirira nhau dzomunhu. Simba iri rinofungidzirwa kuti rinofanoumba upenyu hwevanhu nemarudzi, zvichiita kuti ramangwana risadzivisike sezvinoita nguva yakapfuura.

Chinhu Chinotema

Pane chinochinja here kana uchidavira kufanorongerwa? “Mamiriro oupenyu hwevanhu anoita zvakawanda kutema zvavanodavira, asi, kusiyana neizvozvo, zvavanodavira zvinoita zvakawanda kutema mamiriro avo ezvinhu,” akanyora kudaro muzivi wokuEngland Bertrand Russell.

Chokwadi, kudavira kufanorongerwa—kana izvozvo zvichiitika kana kuti kwete—kungatema maitiro atinoita. Vachidavira kuti izvozvo ndizvo zvinodiwa navanamwari, vakawanda vanozongobvuma mamiriro avo ezvinhu—pasinei nokuti haaruramisiri kana kuti anodzvinyirira sei—sokuti ndizvo zvakanzi upenyu hwavo hwaizova zvisingachinji. Saka, kudavira kufanorongerwa kunorerutsa pfungwa yokuva nomutoro kwomunhu.

Ukuwo, kudavira kufanosarudzirwa kwakaita kuti vamwe vadavire zvakapesana neizvi. Somuenzaniso, vanyori venhau vanoti kukura kunoita zvebhizimisi nekuchinja kwemabasa okugadzirwa kwezvinhu kunokonzerwa nezvinhu zvinoverengeka. Pakati pazvo paiva nokudavira kuti zvinhu zvose zvakafanosarudzirwa. Zvimwe zvitendero zvechiPurotesitendi zvakadzidzisa kuti Mwari anofanosarudzira vamwe vanhu kuti vaponeswe. Nyanzvi yezvemagarire evanhu yokuGermany Max Weber inoti: “Mubvunzo wokuti, Ndiri mumwe wevakasarudzwa here? pane imwe nguva unofanira kubvunzwa nomutendi wose.” Vanhu vakatsvaka kuona kana vaiva nechikomborero chaMwari uye nokudaro vakafanosarudzirwa kuti vaponeswe. Weber anoti vakaita izvi ne“maitire avo enyika.” Kubudirira mubhizimisi nokuunganidza pfuma zvaionekwa sezviratidzo zvenyasha dzaMwari.

Kudavira kufanorongerwa kunoita kuti vamwe vachinje zvikuru. Muhondo yenyika yechipiri, vatyairi vendege vokuJapan vaizviuraya vaidavira kamikaze, kana kuti “mhepo yamwari.” Pfungwa yokuti vanamwari vaiva nechinangwa uye kuti zvaiita kuva nechokuita machiri yakawedzera zvingangorehwa nechitendero kurufu rwunotyisa. Mumakore gumi apfuura, vaizvipira kuputitsa bhomba rinobva ravaurayawo ivo muMiddle East vakanyorwa kakawanda pamisoro mikuru yemapepanhau nemhaka yokurwisa kwavo kunotyisa. Umharadzi hunoita basa guru muuku “kurwisa kwokuzviuraya kunokurudzirwa nezvitendero,” inodaro imwe enisaikorophidiya.

Asi nei kudavira kufanorongerwa kwakapararira zvakadai? Kutarira zvishomanana pakwakatangira kuchagovera mhinduro yacho.

[Mashoko Omuzasi]

a Pfungwa yokufanorongerwa yava kwose kwose zvokuti kana rufu ruchitaurwa nezvarwo, kakawanda mumitauro yakawanda shoko rokuti “kufanorongerwa” rinoshandiswa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe