RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/1 pp. 4-7
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Ane Mhaka?
  • “Nguva Nezvinoitika”
  • Zvinoparadza Zvokusakwana
  • Rudaviro Mujambwa—Tapuro Dzarwo Dzinokuvadza
  • Mhinganidzo Kuukama Hwedu naMwari Here?
  • Kusunungurwa Muudzvinyiriri Hwejambwa
  • Kufanorongerwa Here Kana Kuti Zvinongozviitikira Zvega?
    Mukai!—1999
  • Upenyu Hwako Hunodzorwa neJambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chitendero Mujambwa Chinotonga Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tsaona—Ijambwa Kana Kuti Migariro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/1 pp. 4-7

Bhaibheri Rinodzidzisa Rudaviro Mujambwa Here?

KUSHORA! KUCHERA! Apo mutezo unoremekedzwa womunzanga unodavira kuti zita rawo kana kuti mukurumbira wakakuvadzwa nomushumo wenhema, iwo unonzwa uchimanikidzirwa kururamisa zvinhu zvacho. Iye angatoita chiito chapamutemo mukurwisana neavo vane mutoro wokushora.

Eya, kudavira mujambwa kuchera Mwari Wamasimba Ose chaikoiko. Rondedzero yacho inotaura kuti Mwari pachake ane mutoro wengwavaira dzose nenjodzi dzinotambudza rudzi rwomunhu. Kana uchidavira mujambwa, ungafungidzira kuti Changamire Wechisiko Chose akaunganidza ndaza inorava chimwe chinhu chakafanana nezvinotevera: ‘Nhasi, John achakuvadzwa mutsaona yemotokari, Fatou acharwara nemalaria, imba yaMamadou ichaparadzwa mudutu’! Ungagona kusundwa chaizvoizvo kubatira Mwari akadaro here?

‘Asi kana Mwari asingapariri majambwa edu, ipapo ndiani anodaro?’ vadaviri mujambwa vanobvunza kudaro. Ousmane, jaya radudzwa munyaya yokutanga, rakanetseka pamusoro paizvozvi rimene. Asi iye akanga asingafaniri kufembera kana kuti kufungidzira kuti asvike pazvokwadi. Iye akadzidza kuti Mwari akazvichenesa amene pauku kuchera kupfurikidza nedzidziso dzinowanwa muShoko Rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. (2 Timotio 3:16) Ngatirangarirei, ipapoka, icho Bhaibheri rinotaura pane iyi nhau.

Ndiani Ane Mhaka?

Mafashamo, matutu, kudengenyeka kwapasi—ngwavaira dzakadaro kazhinji kazhinji dzinonzi mabasa aMwari. Bva Bhaibheri hariratidziri kuti Mwari anoparira ngwavaira dzakadaro. Rangarira ngwavaira yakaitika mazana amakore akapfuura muMiddle East. Bhaibheri rinotiudza kuti mupukunyuki mumwe bedzi weiyi ngwavaira akashuma, kuti: “Moto waMwari [kutaura kwechiHebheru kunowanzoreva mheni] wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza.”—Jobho 1:16.

Kunyange zvazvo uyu murume akatyiswa angava akafunga kuti Mwari akanga ane mhaka nokuda kwomoto wacho, Bhaibheri rinoratidza kuti Iye akanga asina mhaka. Zviravire umene Jobho 1:7-12, uye uchaziva kuti mheni yakaparirwa, kwete naMwari, asi noMuvengi wake—Satani Dhiyabhorosi! Hakusati kuri kuti njodzi dzose ibasa rakananga raSatani. Asi nenzira yakajeka, hapana chikonzero chokupa Mwari mhaka.

Chaizvoizvo, vanhu kazhinji kazhinji vanofanira kupiwa mhaka apo zvinhu zvinoipa. Kukundikana kuchikoro, pabasa, kana kuti muukama hwavanhu kungava mugumisiro wokushayikwa kwenhamburiko nerovedzo yakanaka kana kuti zvichida kushayikwa kwokurangarira vamwe. Nenzira yakafanana, zvirwere, tsaona, uye nzufu zvingava mugumisiro wokuregeredza. Chokwadi, kungosunga bhande paunenge uchityaira kunoderedza zvikuru bviro yokuurawa kwomunhu mutsaona yemotokari. Bhande raisazoita musiyano upi noupi kudai “jambwa” risingachinjiki rakanga richishanda. Kurapwa kwakafanira noutsanana zvinoderedzawo zvikuru nhamba yenzufu dzinoitika nguva isati yakwana. Kunyange dzimwe ngwavaira dzinonzi “mabasa aMwari,” kutaura idi, mabasa omunhu—nhaka inosuruvarisa yokusagona kwomunhu kutarisira pasi.—Enzanisa naZvakazarurwa 11:18.

“Nguva Nezvinoitika”

Chokwadi, pane zviitiko zvakawanda zvinosuruvarisa izvo zvine zvikonzero zvisiri pachena nenzira yakajeka. Cherekedza, kunyange zvakadaro, icho Bhaibheri rinotaura pana Muparidzi 9:11: “Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye une zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vane umhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” Naizvozvo hapana chikonzero chokudavira kuti Musiki anoparira tsaona kana kuti vana nyajambwa vetsaona vari kurangwa munzira yakati.

Jesu Kristu amene akataura mukupesana nokurangarira kwokudavira mujambwa. Achinongedzera kungwavaira yakanga ichisanozivikanwa kuvateereri vake, Jesu akabvunza, kuti: “Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here? Ndinokuudzai: Kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.” (Ruka 13:4, 5) Jesu sezviri pachena akati ngwavaira yakanga yaparirwa, kwete nokupindira kwaMwari, asi nemhaka ye“nguva nezvinoitika.”

Zvinoparadza Zvokusakwana

Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, nenzufu dzisingatsanangurwi uye zvirwere? Bhaibheri rinopa iyi rondedzero yakananga yemagariro avanhu: “Vose vanofa muna Adhama.” (1 VaKorinte 15:22) Rufu rwakatambudza rudzi rwomunhu chibviro cheapo tateguru wedu Adhama akafamba munzira yokusateerera. Seizvo Mwari akanga anyevera, Adhama akasiyira vana vake nhaka yorufu. (Genesi 2:17; VaRoma 5:12) Pakupedzisira, ipapoka, zvirwere zvose zvinogona kurondwa kusvikira kuna tateguru wedu tose Adhama. Utera hwedu hwakagarwa nhaka hunewo zvakawanda zvikuru zvokuita nokuodzwa mwoyo uye kukundikana kwatinowana muupenyu.—Pisarema 51:5.

Rangarira chinetso chourombo. Rudaviro mujambwa kazhinji kazhinji rwakakurudzira vatamburi kuzviramba vamene kukuvapo kwavo kwakaoma. ‘Iyi ndiyo nguva yedu yemberi’, ivo vanodavira kudaro. Bhaibheri rinoratidza, zvisinei, kuti kusakwana kwavanhu, kwete jambwa, kunofanira kupiwa mhaka. Vamwe vanova varombo apo vano‘kohwa zvavanenge vadyara’ kupfurikidza nousimbe kana kuti kusatarisira zvakanaka zvinhu. (VaGaratia 6:7; Zvirevo 6:10, 11) Mamiriyoni asingaverengeki anorarama muurombo nemhaka yokuti anoitwa nyajambwa nevanhu vane makaro vane simba. (Enzanisa naJakobho 2:6.) “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, a[no]muitira zvakaipa,” rinodaro Bhaibheri. (Muparidzi 8:9) Hapana ufakazi huripo hwokuti urombo hwose hunoparirwa naMwari kana kuti nejambwa.

Rudaviro Mujambwa—Tapuro Dzarwo Dzinokuvadza

Zvisinei chimwe chibvumikiso chinonyengetedza mukupesana norudaviro mujambwa itapuro iyo kudavira mujambwa kunogona kuva nayo pavadaviri. Jesu Kristu akati: “Saizvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.” (Mateo 7:17) Ngatirangarirei chimwe “chibereko” chokudavira jambwa—nzira iyo chinopesvedzera nayo pfungwa yavanhu yomutoro.

Pfungwa yakanaka yomutoro womunhu oga inokosha. Ndechimwe chezvinhu zvinosunda vabereki kugovera mhuri dzavo, vashandi kuita mabasa avo nokungwarira, vagadziri kugovera chinhu chakanaka. Rudaviro mujambwa rungaderedza pfungwa iyoyo. Fungidzira, somuenzaniso, kuti motokari yomumwe munhu ine chinetso chechidhiraivho. Kana iye ane pfungwa yokudisa yomutoro, iye anoita kuti igadziriswe nemhaka yokuitira hanya upenyu hwake amene uye upenyu hwavatakurwi vake. Mudaviri mujambwa, pano rumwe rutivi, angafuratira ngozi yacho, achirangarira kuti ichafa bedzi kana kuri ‘kuda kwaMwari’!

Hungu, rudaviro mujambwa nenzira iri nyore rungatsigira kusaitira hanya, usimbe, kukundikana kugamuchira mutoro nokuda kwezviito zvomunhu, uye mamwe mavara akawanda asina kunaka.

Mhinganidzo Kuukama Hwedu naMwari Here?

Zvinokuvadza zvikurusa kupfuura zvose, rudaviro mujambwa runogona kudzvinyirira pfungwa yomunhu yomutoro, kana kuti musengwa, kuna Mwari. (Muparidzi 12:13) Wezvamapisarema anokurudzira rudzi rwose rwomunhu ku“ravira . . . muone kuti Jehovha wakanaka.” (Pisarema 34:8) Mwari anogadza zvinodikanwa zvakati nokuda kwaavo vangafarikanya kunaka kwake.—Pisarema 15:1-5.

Chimwe chinodikanwa chakadaro rupfidzo. (Mabasa 3:19; 17:30) Irworwo rwunobatanidza kubvuma mhosho dzedu uye kuita chinjo dzinodikanwa. Savanhu vasina kukwana, tose zvedu tine zvakawanda zvikuru zvezvatinofanira kupfidza. Asi kana munhu achidavira kuti ndinyajambwa asingabetseri wejambwa, zvakaoma kunzwa dikanwo yokupfidza kana kuti kugamuchira mutoro wezvikanganiso zvake.

Wezvamapisarema akati pamusoro paMwari: “Unyoro hwenyu hunokunda upenyu.” (Pisarema 63:3) Bva, rudaviro mujambwa rwakabvumikisa mamiriyoni kuti Mwari ndiye mupariri wenhamo yawo. Nenzira yomuzvarirwo, ikoku kwakatsamwisa vakawanda kwaari, kuchivhara suo rokuva kwavo noukama hwapedyo zvirokwazvo noMusiki. Pashure pezvose, ungagona sei kuda munhu wawairangarira seari kuparira zvinetso zvako zvose nemiedzo? Rudaviro mujambwa nokudaro runosimudza mhinganidzo pakati paMwari nomunhu.

Kusunungurwa Muudzvinyiriri Hwejambwa

Ousmane muduku, adudzwa pakuvamba, pane imwe nguva akaiswa muuranda norudaviro mujambwa. Zvisinei, apo Zvapupu zvaJehovha zvakamubetsera kuyera kufunga kwake nebetsero yeBhaibheri, Ousmane akasundwa kurega rudaviro rwake mujambwa. Migumisiro yacho yakanga iri pfungwa huru yokusunungurwa uye murangariro mutsva, wakananga paupenyu. Zvinokosha zvikuru, iye akasvika pakuziva Jehovha saMwari ane “nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.”—Eksodho 34:6.

Ousmane akasvikawo pakuziva kuti Mwari, kunyange zvazvo asingarongi udzame huri hwose hwoupenyu hwedu, ane chinangwa nokuda kwenguva yemberi.a Bhuku ra2 Petro 3:13 rinoti: “Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera mamiriyoni kusakurira tariro yokurarama nokusingaperi sorutivi rweiyi “nyika itsva” yakapikirwa. Izvo zvingada kukubetserawo.

Sezvaunokura muzivo yakarurama yeBhaibheri, uchasvika pakunzwisisa kuti nguva yako yemberi haitsamiri pane rimwe jambwa rakafanorongwa rausingagoni kudzora. Mashoko aMosesi kuvaIsraeri vakare anosanoshanda: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Hungu, une chisarudzo munguva yako yemberi. Hachisiirwi kujambwa.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekurukurirano yakakwana yokufanoziva kwaMwari, ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1985, mapeji 3-7.

[Mifananidzo iri papeji 6, 7]

Idzi ngwavaira dzakanga dzisiri ‘mabasa aMwari’

[Kwazvakatorwa]

U.S. Coast Guard photo

WHO

UN PHOTO 186208 /M. Grafman

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe