Zvevechiduku
Kumutswa kwaRazaro
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA JOHANI 11:1-45.
Paunoverenga ndima 21 unofunga kuti Marita ari kunzwa sei uye paunoverenga ndima 32 unofunga kuti Mariya ari kunzwawo sei?
․․․․․
Sezvinotsanangurwa mundima 33 ne35, unoona Jesu achiitei zvinoratidza kuti zvakanga zvaitika zvaimurwadza?
․․․․․
Paunoverenga zvakanyorwa mundima 43 ne44 edza kufungidzira kuti Razaro akanzwa sei uye kuti vaivapo vakanzwawo sei.
DZAMISA PFUNGWA.
Zvaitora mazuva maviri kubva kwakanga kuina Jesu kusvika kuBhetani. Saka nei Jesu asina kukurumidza kusvika? (Verengazve ndima 6.)
․․․․․
Bhaibheri rinoratidza sei kuti Mariya naMarita vose vaifarira zvokunamata? (Ruka 10:38, 39; Johani 11:24)
․․․․․
Nei Jesu aimutsa vanhu kunyange zvazvo vaizofa zvekare? (Mako 1:41, 42; Johani 5:28, 29; 11:45)
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kukwanisa uye kuda kwaiita Jesu kumutsa vakafa.
․․․․․
Kunzwira urombo kunoita Jesu vanhu vanenge vachichema.
․․․․․
NDIANI WAUNODA KUZOSANGANA NAYE KANA KUTI KUZOONANAZVE NAYE PACHAMUTSWA VANHU?
․․․․․
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․