Bhaibheri Rinochinja Upenyu
VAMWE amai vasina murume vokuRussia vakanga vakapindwa muropa nezvinodhaka, vakakwanisa sei kurega tsika iyi uye kuvandudza ukama hwavo nevana vavo? Mumwe murume aiva asina pokugara wokuKyoto, Japan, akawana sei simba uye ushingi hwokuti arege zvakaipa zvaaiita zvakanga zvamuita murombo? Chii chakaita kuti mumwe mufudzi wemombe wokuAustralia arege kuraradza? Ngatimboonai kuti vanhu ava vanotii.
“Ndakazoziva kuti ndaifanira kuzviriritira.”—NELLY BAYMATOVA
ZERA: 45
NYIKA: RUSSIA
NHOROONDO YOUPENYU: AKAPINDWA MUROPA NEZVINODHAKA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muVladikavkaz, guta guru reRepublic of North Ossetia (yava kunzi Alania). Mhuri yedu yaiva nekaupenyu kari nani. Asi pasinei noupfumi uhwu, ini ndakanga ndisinganakidzwi noupenyu hwangu. Pandakazosvitsa makore 34, ndakanga ndatorambana nevarume vaviri. Ndakanga ndava nemakore gumi ndakapindwa muropa nezvinodhaka, uye ndakatombopinda muchipatara kaviri ndichirapwa. Kunyange hazvo ndaiva nevana vaviri, panguva iyoyo ndakanga ndisina basa navo; uye hapana shamwari kana vomumhuri vandaiwirirana navo.
Amai vangu vakanga vava mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndaiwanzovanzwa vachichema uye vachinyengetera kuti Jehovha andibatsire. Ndaifunga kuti: ‘Uku ndiko kuzvinetsa chaiko kuri kuita amai vangu! Jehovha angandibatsira sei?’ Ndakaedza kurega zvinodhaka. Asi ndaitoda kubatsirwa kuti ndisiye tsika iyi. Pane imwe nguva handina kushandisa zvinodhaka kwemazuva maviri. Saka pandakafunga zvokumbobuda mumba ndakabva ndabuda nepahwindo. Apa ndakanga ndiri panhurikidzwa yechipiri. Ndakabva ndadonha ndikatyoka ruoko negumbo uye ndakakuvara musana. Kwomwedzi wose ndakanga ndisingagoni kumuka.
Pandainaya, amai vangu vakanditarisira uye havana kana kumbondituka. Vainzwisisa kuti ndakanga ndisinganyatsofungi zvakanaka uye kuti ndakanga ndisina kunyatsogadzikana mupfungwa. Kunyange zvakadaro vaindisiira magazini eMukai!a pedyo nemubhedha wangu. Ndakaaverenga ose ndikaona kuti anonakidza uye anodzidzisa. Ndakabva ndasarudza kudzidza Bhaibheri neZvapupu.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Bhaibheri rakandidzidzisa kuti ndine zvimwe zvandinofanirawo kuzviitira. Panzvimbo pokutarisira kuti amai vangu vandiriritire, ndakadzidza kuti ndinofanira kuzvitarisira uye kuriritira vana vangu. Zvakanga zvisiri nyore kutanga kushanda, nokuti ndakanga ndangojaira kuita madiro ndisingambofungiwo vamwe.
Ndakabatsirwa chaizvo nezano riri pana Dheuteronomio 6:5-7, rinoti vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo nezvaMwari. Ndakanga ndava kuziva kuti ndaizozvidavirira kuna Mwari pamarerero andaiita vana vangu vaviri. Pfungwa iyi yakaita kuti nditange kupedza nguva yakawanda navo ndichivaratidza rudo chairwo.
Ndinoonga Jehovha zvichibva pamwoyo chaipo kuti akandibvumirawo kuti ndidzidze chokwadi nezvake. Saka ndakatsaurira upenyu hwangu kwaari uye ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakatanga kuwirirana naamai vangu nokuti ndakadzidza kuzvidzora pakufufutirwa nehasha kwandaiita. Ndava kutowiriranawo nevana vangu chaizvo.
Kubva zvandakadzidza kuvenga zvinhu zvinovengwa naMwari, matambudziko akawda aikonzerwa nemararamiro andaiita akanyangarika. Ndiri kunakidzwa chaizvo nokubatsira kwandiri kuita vamwe kudzidza chokwadi nezvaMwari wedu ane rudo Jehovha.
“Ndinoona kuti ndakaponeswa.”—MINORU TAKEDA
ZERA: 54
NYIKA: JAPAN
NHOROONDO YOUPENYU: AIGARA MUMUGWAGWA
MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muguta reYamaguchi ndichirerwa nababa vangu naambuya vangu. Handina kumbobvira ndaziva amai vangu. Pandakanga ndava nemakore 19, ambuya vangu vakafa, uye ndakaramba ndichigara nababa. Ndaishanda ndichiita zvokubika, uyewo baba vangu vaishanda pane imwe kambani yaigadzira zvokudya. Taishanda nguva dzakasiyana, saka taisambonyanya kuonana. Ndakatanga tsika yokushanda kwemaawa akawanda uye kunwa neshamwari dzangu.
Nokufamba kwenguva, ndakatanga kufinhikana nebasa rangu. Ndakarwa nowandaishandira ndikatanga kutoraradza. Pandakanga ndava kuda kusvitsa makore 30, ndakazopedzisira ndasarudza kubva pamba. Mari yangu payakapera, ndakatanga kushanda maiitwa zvemakasi. Ndakadanana nomumwe musikana, tikaroorana. Asi takarambana kwangopera makore maviri nehafu.
Ndakanga ndaora mwoyo ndichingoti chero zvandaita, ndikaguma ndapinda muzvikwereti zvakakura zvandakatora kune vaikweretesa mari. Ndakatiza pavakanga vava kuda mari yavo ndikambonogara kumusha nababa vangu, asi ndakavanyepera tikapedzisira tisingachawirirani. Ndakavabira mari ndikatanga kurarama nokuita zvemakasi kwekanguva. Ndakazopedzisira ndanyura muurombo ndava kugara pachiteshi chezvitima kwenguva yakati oo. Ndakatamira kuHakata, ndichibva ndazoenda kuHimeji, ndikazopedzisira ndava kuguta reKyoto. Ndakagara mumigwagwa kwemakore akati oo.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 1999, ndaiva mune imwe paki iri pedyo neKamogawa River kuKyoto, vamwe vakadzi vaviri vachibva vauya kuzotaura neni. Mumwe wavo akabvunza kuti, “Ungada kudzidza Bhaibheri here?” Ndakabvuma. VaKristu vakasimba pane zvokunamata vomuungano yeZvapupu zvaJehovha vakadzidza neni Bhaibheri vakandibatsira kuona kuti zvakakosha kuita zvarinotaura. Vakandipa zano rokuti ndiedze kutsvaka basa nenzvimbo yokugara. Ndakambotsvaka mabasa akati oo, ndichiitira kuvafadza, asi zvaingova zvemasiyandaita. Zvisinei, pava paya ndakatanga kunyengeterera rubatsiro ndikaedza nepandaigona napo kuwana basa, ndikazopedzisira ndariwana.
Kunyengetera kwakandibatsira chaizvo kutsungirira mumwe muedzo wandakasangana nawo. Vakanga vandikweretesa mari vandaitiza vakanditsvaka vakati vaida mari yavo. Ndakanetseka zvokunetseka zviya. Ndaiverenga Bhaibheri mazuva ose, saka rimwe zuva ndakasvika parugwaro rwaIsaya 41:10. Mundima iyoyo, Mwari akavimbisa vashumiri vake vakatendeka kuti: “Chokwadi ndichakubatsira.” Vimbiso iyoyo yakandisimbisa ikandipa ushingi. Ndakashanda nesimba ndikapedzisira ndabhadhara zvikwereti zvangu. Muna 2000, ndakanzi ndakodzera kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Zvandakadzidza muBhaibheri zvakaita kuti ndide kugadzirisa ukama hwangu nababa vangu, uye vaka- ndikanganwira zvakaipa zva- ndaimboita. Vakafara chaizvo kuti ndakanga ndadzidza kurarama maererano nemitemo yeBhaibheri. Kurarama zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri kwakandiponesa.
Uyezve, ndava kukwanisa kuzvishandira ndichizviriritira. (VaEfeso 4:28; 2 VaTesaronika 3:12) Ndakawanawo shamwari dzechokwadi muungano yechiKristu. (Mako 10:29, 30) Ndinotenda zvandakadzidziswa naJehovha nomwoyo wangu wose.
“Zvakanga zvisiri nyore kuti ndichinje mararamiro angu.”—DAVID HUDSON
ZERA: 72
NYIKA: AUSTRALIA
NHOROONDO YOUPENYU: MUSIYADZASUKWA
MARARAMIRO ANDAIITA: Vabereki vangu vanonzi Willie naLucy, uye ndaiva mwana wechi11. Mhuri yedu yaigara kunharaunda yevaAborigine yainzi Aurukun, iri nechokuchamhembe kweQueensland. Aurukun yaiva yakavakirwa pamhenderekedzo dzeArcher River uye pedyo negungwa. Vabereki vangu vakatidzidzisa isu vana kuvhima uye kuredza hove kuti tiwane chouviri. Panguva yacho, isu vaAborigine taitungamirirwa nehurumende yaitirambidza kubata mari, uye tainzi pane nzvimbo yataingofanira kugara chete.
Vabereki vangu vakaedza nepavaigona napo kundidzidzisa unhu hwakanaka uye kudzidzisa vana vavo vose kuremekedza vanhu vakura vekwataigara uye kugovana nevamwe zvishoma zvataiva nazvo. Izvi zvakaita kuti tione vanhu vose vakura savanaamai vedu navanababa nanatete nanasekuru.
Pandakanga ndava nemakore manomwe, baba vangu vakashaya, uye takatamira kunzvimbo yevaAborigine yaiva kuMapoon, iri makiromita anenge 150 nechokuchamhembe kweAurukun. Pandakanga ndava nemakore 12, ndakatanga kudzidzira kufudza mabhiza nemombe, uye ndaiva mufudzi wemombe kusvikira ndava kutoda kusvitsa makore 50. Upenyu hwacho hwakanga hwakaoma. Ndaiva chiradza uye ndaigara ndakangodhakwa. Izvi zvakaita kuti ndishungurudzike kakawanda uye ndive nematambudziko akawanda.
Rimwe zuva pandainge ndakanwa zvokunwa zviya, ndakadzadzarika ndichibuda mune imwe hotera ndichibva ndasvikobondera pane imwe motokari yaimhanya. Ndakapedza makore maviri ndiri muchipatara chinorapwa vanhu vakaremara ndichidzidzira kufamba. Zvokufudza mombe zvakabva zvapera.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandairapwa, imwe shamwari yangu yechikadzi yakandivigira magazini eNharireyomurindi neMukai! kuti ndiverenge. Zvisinei, somunhu akanga asina kunyatsodzidza, ndakanga ndisinganyatsogoni kuverenga. Zvadaro rimwe zuva, vamwe sekuru vane makore 83 vakandishanyira kuchipisa zvokupisa zviya. Ndakavati vapinde ndikavapa mvura yaitonhorera. Vakandipa mamwe mabhuku eBhaibheri vakandikumbira kuti zvingaita here kuti vadzoke vonditsanangurira zvirimo. Takazopedzisira tava kugara tichidzidza Bhaibheri. Ndakatanga kuona kuti kana ndichida kufadza Mwari, ndaifanira kuchinja unhu hwangu nemararamiro angu.
Zvakanga zvisiri nyore kuti ndichinje unhu nemararamiro angu. Asi nemhaka yezvandakadzidziswa naamai vangu, ndairemekedza zvikuru murume wechikuru aiuya kuzodzidza neni Bhaibheri uye kunzwisisa kwaaiita zvinhu zvine chokuita nokunamata. Kunyange zvakadaro, ndaizeza kutsaurira upenyu hwangu kuna Mwari. Ndaifunga kuti ndaifanira kutanga ndaziva zvose zvakanyorwa muBhaibheri.
Mumwe wandaishanda naye akazondibatsira kugadzirisa mafungiro angu panyaya iyi. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akandiratidza zvinokurudzirwa pana VaKorose 1:9, 10. Ndima idzodzo dzinoti tinofanira kuramba ‘tichiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.’ Murume uyu wandaishanda naye akandibatsira kunzwisisa kuti ndaitozongogara ndichidzidza zvinhu zvitsva, saka pakanga pasina chikonzero chokuti ruzivo rwangu rushoma runditadzise kufambira mberi.
Ndakanyanya kubayiwa mwoyo pandakatanga kuwadzana neZvapupu zvaJehovha. Ndakazvionera neangu aya kuti vanhu vemarudzi ose vainamata Mwari vakabatana. Kubatana ikoko ndiko kwakaita kuti ndive nechokwadi chokuti ndakanga ndawana chitendero chechokwadi, saka muna 1985, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.
KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndakavandudza maverengero andaiita, uye iye zvino ndava kupedza maawa akawanda pavhiki ndichibatsira vamwe kuti vadzidzire kuverenga uye kudzidza Bhaibheri. Uyezve, shamwari yangu iya yechikadzi yakatanga kundivigira magazini eNharireyomurindi neMukai! yakatangawo kudzidza neZvapupu, ikabhabhatidzwa, uye zvino yava mudzimai wangu anodiwa. Tose tiri kufara kubatsira vamwe vomunharaunda yevaAborigine kuti vadzidze nezvaJehovha Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Ini nomudzimai wangu tiri kufara kubatsira vamwe vomunharaunda yevaAborigine kuti vadzidze nezvaMwari