Zvevechiduku
Murume Aiva Nokutenda Zvakanga Zvavimbiswa naMwari
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 12:1-4; 18:1-15; 21:1-5; 22:15-18.
Tsanangura kuti Abrahamu angave akanzwa sei Jehovha paakamuvimbisa kuti aizova tateguru we“mwana” aizoita kuti nyika yose ibatsirwe.
․․․․․
Unofunga kuti vanhu vatatu vakashanyira Abrahamu vanotsanangurwa pana Genesisi 18:2 vaitaridzika sei?
․․․․․
Ungafungidzira sei zvakaitika zvinotsanangurwa pana Genesisi 18:6-8? (Yeuka kuti Abrahamu akanga ava kuda kusvitsa makore 100 panguva yacho.)
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Pakatora nguva yakareba sei kubva Jehovha paakavimbisa Abrahamu kuti aizova nemwanakomana kusvikira pakazoberekwa Isaka? (Verengazve Genesisi 12:4 uye 21:5.)
․․․․․
Jehovha aivimbisei Abrahamu panguva yaakanga akamirira kuti zvakanga zvavimbiswa zviitike? (Verenga Genesisi 12:7; 13:14-17; 15:1-5, 12-21; 17:1, 2, 7, 8, 15, 16.)
․․․․․
Abrahamu paakaratidza kuti akanga asina chokwadi kuti aizova nemwanakomana, Jehovha akaitei? (Verengazve Genesisi 15:3-5, 12-21.)
․․․․․
Jehovha akaita sei kuti mashoko pamusoro pe“mwana” azivikanwe zvishoma nezvishoma?
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kudiwa kwokutenda zvinhu zvinovimbiswa naMwari.
․․․․․
Kuratidza zvishoma nezvishoma kunoita Jehovha zvaanoda. ․․․․․
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․