RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 9/1 p. 24
  • Chishamiso paPendekosti!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chishamiso paPendekosti!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DZAMISA PFUNGWA.
  • SHANDISA ZVAWADZIDZA. NYORA PAMUSORO PE . . .
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kuramba Jesu Kwakaita Petro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 9/1 p. 24

Zvevechiduku

Chishamiso paPendekosti!

Mirayiridzo: Itai izvi muri panzvimbo yakanyarara. Sezvaunoverenga magwaro acho, fungidzira uripowo pane zviri kuitika zvacho. Fungidzira zviri kuitika. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evatambi vacho. Nhoroondo yacho ngaive seiri kutoitika!

ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MABASA 2:1-21, 38-41.

Chii chinouya mupfungwa dzako paunoverenga nhoroondo ye“mhepo inovhuvhuta nesimba” uye ye“ndimi dzakafanana nedzomoto”?

․․․․․

Unofunga kuti vanhu vaitii pavakashamiswa kunzwa vadzidzi vachitaura nedzimwe ndimi?

․․․․․

Unofungidzira kuti zviso zvevanhu vakanga vasina chokwadi nezvaiitika vanorondedzerwa mundima 13 zvakanga zvakaita sei?

․․․․․

DZAMISA PFUNGWA.

Pendekosti yaiva chiitiko chakaita sei, uye mutambo wacho ungave wakaita kuti vanhu vakanga vakaungana kunze kweJerusarema vanzwe sei? (Dheuteronomio 16:10-12)

․․․․․

Petro akaratidza sei kuti airemekedza vamwe paaitaura nevateereri vake, uye akaitei kuti ave nezvaaibvumirana navo? (Mabasa 2:29)

․․․․․

Ushingi hwakaratidzwa naPetro paPendekosti hwakasiyana sei nezvaakamboita muchivanze chemupristi mukuru? (Mateu 26:69-75)

․․․․․

SHANDISA ZVAWADZIDZA. NYORA PAMUSORO PE . . .

Kuti tinofanira kuva nezvatinobvumirana nevateereri vedu uye kutaura navo noruremekedzo patinenge tichivaudza zvatinotenda zvinobva muBhaibheri.

․․․․․

Kuti unogona kuva Chapupu chaJehovha chakashinga kunyange zvazvo parizvino uchinyara kana kutya.

․․․․․

CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana uchida mamwe mashoko ona Nharireyomurindi, yaSeptember 15, 1996, mapeji 8-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe