Kuredza Hove Mugungwa reGarireya
ZVAIMBENGE zvakaita sei kumuredzi kuredza hove muGungwa reGarireya kare muzana remakore rokutanga? Mhinduro yomubvunzo uyu inoita kuti tinzwisise nhoroondo dzakawanda dzeEvhangeri, dzakadai sedzakataurwa munyaya yakapfuura.
Chaizvoizvo, “gungwa” racho rine mvura isina munyu uye rakareba makiromita 21 nokufara makiromita 12. Kubvira kare varedzi vehove vakaredza hove dzaro dzakawanda. Zviri pachena kuti Gedhi reHove rokuJerusarema raiva musika wehove. (Nehemiya 3:3) Hove dzaibatwa muGungwa reGarireya dzaitengeswawo ipapo.
Muapostora Petro aibva kuguta reGungwa reGarireya rainzi Bhetisaidha, zvinenge zvinoreva kuti, “Imba yeVaredzi.” Rimwe guta raiva pedyo negungwa racho rainzi Magadan, kana kuti Magdala, kwakaenda Jesu nevadzidzi vake pashure pokunge afamba pamusoro pemvura. (Mateu 15:39) Maererano nomumwe munyori, zita reguta racho muchiGiriki ringashandurwa kunzi, “Guta Rinoomeserwa Hove.” Raizivikanwa nemafekitari aro makuru ehove, hove dzaibatwa munzvimbo iyi dzaiomeswa nokuiswa munyu ikoko kana kuti dzaiiswa vhiniga kuti dzisaore dzozogadziriswa muto waichengeterwa mumidziyo yevhu. Hove dzacho dzairongedzwa dzotumirwa zvichida kunzvimbo dzose dzaiva muIsraeri uye kunyange kune dzimwewo.
Saka kuredza hove, kudziomesa, nokudzitengesa raiva bhizimisi guru muGarireya muzuva raJesu. Zvingava nyore kufunga kuti bhizimisi rehove rakabatsira vanhu vakawanda vomunzvimbo iyi. Asi, handizvo chaizvo zvazvaive. Kuredza hove “kwakanga kusiri ‘bhizimisi raisapindirwa nehurumende’ sezvingafungidzirwa nevaverengi vemazuva ano veTestamende Itsva,” inodaro imwe nyanzvi. Mabhizimisi ehove “aitarisirwawo nehurumende, uye aiwanisa mari vanhu vashomanana vaiva nesimba.”
Herodhi Andipasi ndiye aitonga muruwa rweGarireya, kana kuti ndiye aiva muchinda munzvimbo iyi akanga agadzwa nehurumende yevaRoma. Saka aiona nezvemigwagwa yenzvimbo iyi, zviteshi zvengarava zvemo, uye zviwanikwa zvemo zvakadai semasango ayo, migodhi, zvairimwako, uye zvokuredzwa kwehove. Zviwanikwa izvi ndizvo zvaiwanisa Herodhi mari yakawanda yemitero. Hatina mashoko anonyatsodonongodza mitemo yemaunganidzirwe aiitwa mitero yokuGarireya muzana remakore rokutanga. Zvisinei, zvinoita sokuti zvaiwanzoitwa naHerodhi zvakanga zvisina kunyanya kusiyana nezvaiitwa nevaGiriki kana kuti nevaRoma mune mamwe mapurovhinzi avo okumabvazuva. Purofiti yakawanda yaibva mumabasa ezvokutengeserana aiitwa munzvimbo iyi uye muzviwanikwa zveko ingangove yaienda kuvanhu vaiva nesimba pane kubatsira varombo vari ivo vaiita basa rakawanda.
Kurema Kwaiita Mitero
Muzuva raJesu, veimba youmambo ndivo vaiva neminda yakanaka muGarireya uye yakapatsanurwa kuti ive minda mirefu iyo Herodhi Andipasi akapa machinda ake nedzimwewo hama dzake sezvipo. Vaitongwa naHerodhi ndivo vaifanira kumuwanira mari yokuti ararame upenyu hwake hwoumbozha, zvirongwa zvake zvikuru zvokuvaka, utongi hwake hwemaoresa, uye mari yakasiyana-siyana yaaipa shamwari dzake nemaguta. Kurema kwemitero, mitero yaibhadharwa pamusana pebasa rainge raitwa, uye yaitorwa kubva kuvarombo zvinonzi yaidzvinyirira chaizvo varombo.
Herodhi ndiye aitarisira kushandiswa kwose kwemvura yaiva muruwa rwake. Saka zvokuredza hove ndiye ainyanya kuzvitarisirawo kana kuti nevanhu vaainge akapa zvipo zveminda mirefu. Kana dziri nzvimbo dzaitarisirwa zvakananga neveumambo, vakuru vevateresi—vanhu vainge vakapfuma vaitenga hove nemari yepamusoro zvikuru vaiva nekodzero yokutora mitero ndivo vaiva nesimba rokunyorerana pasi zvibvumirano nevaredzi zvokuti varedze. Vamwewo vanoti sezvo hofisi yaMateu yomutero yaiva muKapenaume—muzinda wokuredza hove waikosha muGungwa reGarireya—zvinoratidza kuti angangove aishandira vakuru ivava vevateresi “somunhu aiwanira voumambo zvibvumirano zvokuredza.”a
Uchapupu hwomuzana remakore rokutanga nerechipiri B.C.E. hunoratidza kuti mitero yokuPalestine yaiwanzobhadharwa pachishandiswa “zvinhu zvinoenderana nomutero wacho” pane kubhadhara iri mari chaiyo. Saka vamwe varedzi vaiva neunyanzvi vaibhadhara 25 kusvika ku40 muzana yehove dzavainge vabata kuti vapiwe kodzero dzokuredza. Magwaro ekare anoratidza kuti mune dzimwe nzvimbo dzaitongwa nehurumende yeRoma, kuredza hove kwakaramba kuchitarisirwa neHurumende pasi poutungamiriri hwevaongorori. KuPisidia mapurisa aiona nezvokuredzwa kwehove aiva nechokwadi chokuti hapana airedza asina kutenderwa uye varedzi vaingotengesa hove dzavo kune vezvemabhizimisi, vaitenga dzakawanda avo vaiongororwa neHurumende nokubhadhariswa mitero.
Imwe nyanzvi inoti kuteresa nokutarisira kuredzwa kwehove nenzira iyi kwaireva kuti “mambo kana kuti muzvinapurazi ndivo vaiwana mari yakawanda asi muredzi wehove achingowana shomanana.” Saizvozvowo mari yepundutso yaiwanikwa nevaya vaiita zvimwewo zvokutengeserana yaizova shoma pamusana pemitero yaidzvinyirira. Vaya vaifanira kubhadhara mitero vakanga vakazvijaira havo. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti kuvengwa kwaiitwa vateresi kuri munhoroondo dzeEvhangeri kwaikonzerwa nokusatendeseka uye makaro evarume vaipfuma nokutora zvose zvavaikwanisa kuvarombo.—Ruka 3:13; 19:2, 8.
Varedzi Vanotaurwa muEvhangeri
Evhangeri inoratidza kuti Simoni Petro aiva nevaaishanda navo mubhizimisi rokuredza. Pane vaya vakauya kuzobatsira Petro kutakura hove dzakanga dzabatwa nenzira yechishamiso paiva ne“vamwe vavo vaiva mune chimwe chikepe.” (Ruka 5:3-7) Nyanzvi dzinoti “varedzi vaigona kuita ‘mishandira pamwe’ . . . kuti vawaniswe kodzero dzokuredza.” Aya angangove ndiwo mawaniro akanga aita vanakomana vaZebhedhi, Petro Andreya nevamwe vavo mvumo yokuita bhizimisi ravo rokuredza hove.
Magwaro haaratidzi zvakananga kuti varedzi vokuGarireya ava vaiva nezvikepe here kana zvinhu zvokushandisa. Vamwe vanoti vaiva nazvo. Kutaura zvazviri, Jesu anonzi akakwira chikepe “chakanga chiri chaSimoni.” (Ruka 5:3) Zvisinei, imwe nyaya yaitaura nezvenyaya iyi inoti, “zvingangoiita kuti zvikepe zvacho zvaiva zvevaya vaitengeserwa hove kana kuti zvaishandiswa nevaiva mumushandira pamwe wacho.” Chero zvazvaiva, Magwaro anoti Jakobho naJohani vairuka mambure avo. Kunenge kuti varedzi vehove vaifanirawo kuderedza mitengo yehove dzavo uye pazvaidiwa pazuva vaihaya vashandi.
Saka varedzi vokuGarireya vomuzana remakore rokutanga vaiva nezvakawanda zvokuita kudarika zvaungafunga. Bhizimisi ravo raivawo chikamu chemabhizimisi aive akaoma kunzwisisa. Tikayeuka izvi tinogona kunyatsonzwisisa nhoroondo yeEvhangeri uye mashoko akataurwa naJesu nezvokuredza uye varedzi. Kupfuura izvozvo, mashoko aya anotibatsirawo kunzwisisa kutenda kwaiva naPetro, Andireya, Jakobho, uye Johani. Vairaramiswa nehove. Chero zvaive zvakaita mamiriro avo emari Jesu paakavadana, vakabva vangosiya bhizimisi ravo ravaiziva—uye raivapa mari yokurarama nayo—kuitira kuti vave “vabati vevanhu.”—Mateu 4:19.
[Mashoko Omuzasi]
a Zviri pachena kuti muapostora Petro akatama kubva kuBhetisaidha achienda kuKapenaume, kwaakanosvikova mubhizimisi rokuredza hove nomukoma wake, Andireya, nevanakomana vaZebhedhi. Jesu akambogarawo muKapenaume kwekanguva.—Mateu 4:13-16.
[Mepu iri papeji 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Lake Hula
Bhetisaidha
Kapenaume
Magadan
Gungwa reGarireya
Jerusarema
Gungwa Rakafa
[Kwazvakatorwa]
Todd Bolen/Bible Places.com
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Todd Bolen/Bible Places.com