Vaverengi Vanobvunza Kuti
Zvapupu zvaJehovha Chitendero Chakabva Muchechi yeRoma Here?
Zvapupu zvaJehovha zvinoti hazvina kubva muchechi yeRoma. Nei?
Machechi akabva muRoma akavapo muzana remakore rechi16 muEurope achiedza kuchinja Chechi yeRoma. Machechi acho anoshandisirwa shoko rokuti “Purotesitendi” iro rakapiwa vateveri vaMartin Luther paMusangano wakaitirwa muguta reSpeyer muna 1529. Kubvira panguva iyoyo shoko racho rava kungoshandisirwa vose vanoomerera pamitemo uye zvinangwa zvechechi yakabva muRoma. Saka, rimwe duramazwi rinonzi Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary, 11th Edition, rinorondedzera munhu wechechi yePurotesitendi ‘senhengo yechechi chero ipi zvayo pane dzinoverengeka dzinopikisa nyaya yokuti Papa ane masimba ose uye dzinotsigira dzidziso dzakatangwa nevakabuda muchechi yeRoma. Dzimwe dzidziso dzacho ndedzokuti, munhu anogamuchirwa naMwari zvichibva pakutenda kwake chete, kuti vatendi vose vapristi, uye kuti Bhaibheri chete ndiro rine chokwadi.’
Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichiramba kuti papa ane masimba ose uye zvichitsigira nemwoyo wose kuti Bhaibheri chete ndiro rine chokwadi, ivo vakasiyana chaizvo nemachechi akabuda muRoma. The Encyclopedia of Religion inototaura kuti Zvapupu zvaJehovha “zvakasiyana nevamwe.” Funga nezvenzira nhatu dzavakasiyana nevamwe.
Chokutanga, kunyange zvazvo machechi akabuda muRoma achiramba mamwe manamatiro anoitwa muRoma, vatungamiriri vemachechi iwayo vakaramba vaine dzimwe dzidziso dzayo, dzakadai sokutenda kuti mwari anoumbwa nevatatu, vanhu vachapiswa mumoto, uye kuti mweya womunhu haufi. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti dzidziso idzodzo hadzingopesani neBhaibheri chete, asi dzinotoitawo kuti vanhu vasaona Mwari zvakanaka.—Ona mapeji 4-7 emagazini ino.
Chechipiri, chitendero cheZvapupu zvaJehovha hachisi chokungopikisana nedzidziso dzemamwe machechi, asi ndechokudzidzisa zvakanaka. Vanokoshesa chaizvo zano reBhaibheri rinoti: “Muranda waTenzi haafaniri kupopota kwete, asi anofanira kuva nomutsa kuvanhu vose, uye anofanira kuva munhu anogona kudzidzisa vamwe, nokuva munhu anoshingirira kana achitadzirwa. Ngaave munhu akapfava, anogona kudzora vaya vasingawirirani naye.” (2 Timoti 2:24, 25, Bhaibheri Rinoera) Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kupesana kunoita zvinotaurwa neBhaibheri nezvinodzidziswa nemachechi akawanda. Asi, chinangwa chavo hachisi chokuchinja zvakaita zvimwe zvitendero. Pane kudaro, vanovavarira kubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vave nezivo yakarurama yaMwari neyeShoko rake, Bhaibheri. (VaKorose 1:9, 10) Vanhu vezvimwe zvitendero pavanongoramba vachipikisana neZvapupu zvaJehovha, izvo zvinodzivisa kungokakavadzana kusingabatsiri.—2 Timoti 2:23.
Chechitatu, kusiyana nesangano rakabuda muRoma, iro rakapatsanuka kuva machechi ane mazana, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakabatana sehama dziri munyika yose. Kana totaura nezvezvavanotenda zviri muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zviri munyika dzinopfuura 230 zvinotevera zano romuapostora Pauro rokuti “mutaure muchibvumirana.” Hazvina kupatsanuka-patsanuka. Asi, zvaka“nyatsobatanidzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe chete.” (1 VaKorinde 1:10) Zvose zvinoedza “kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.”—VaEfeso 4:3.