RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 3/1 pp. 24-25
  • Kudzidza Tsitsi DzaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Tsitsi DzaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Murume Aizvininipisa Uye Ainge Akashinga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 3/1 pp. 24-25

Zvevechiduku

Kudzidza Tsitsi DzaMwari

JONA—CHIKAMU 2

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

1➊ ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA JONA 3:1–4:11.

Unofunga kuti Jona akanzwa sei paakapinda muguta reNinivhi?

․․․․․

Pauri kufungidzira zvaiita inzwi raJona, unofungidzira kuti ainzwa sei paaizivisa kutonga kwaJehovha?

․․․․․

Unofunga kuti Jona ainge akaora mwoyo zvakadii paakanga akagara kunze kweguta? (Ona Jona 4:5-8.)

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Nei Jona angave aida kuti Jehovha aite zvaakanga afanotaura nezvokuparadzwa kweNinivhi?

․․․․․

Uchishandisa chero mabhuku aunawo kana zvimwe zvaunazvo zvinokupa mamwe mashoko, tsvaga (1) kuti mupudzi wakavapo uye kuti waitaridzika sei, uye (2) zvairehwa nokupfeka masaga kwamambo weNinivhi uye kugara kwaakaita mumadota.

․․․․․

Pasinei nokuti pakutanga Jona akanga asingadi kuprofita kuNinivhi, nei zvinganzi aiva muprofita akatendeka uye akashinga? (Mateu 21:28-31)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kuti vanhu vanokwanisa kusiya mararamiro akaipa.

․․․․․

Tsitsi dzaJehovha.

․․․․․

Kuti tinofanira kunzwira vamwe tsitsi.

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana uchida kutsvakurudza zvimwe, ona Nharireyomurindi, yaApril 1, 2009, mapeji 14-18.

KANA USINA BHAIBHERI, RIVERENGE PAINDANETI www.watchtower.org

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe