RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 pp. 14-15
  • Tsigira Zvakasimba Zvaunotenda!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsigira Zvakasimba Zvaunotenda!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anokunda Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Vainge Varonga Kuponda Ndivo Vakazourayiwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 pp. 14-15

Zvevechiduku

Tsigira Zvakasimba Zvaunotenda!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vari kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanonyanya kutaurwa: Jeremiya, Ebhedhi-mereki, Mambo Zedhekiya

Muchidimbu: Jeremiya anoshorwa zvakanyanya paanozivisa mashoko aMwari okuti vanhu vokuJudha vakande mapfumo pasi kuvaKadheya.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA JEREMIYA 38:1-5.

Unofunga kuti Jeremiya ainzwa sei paaitaura nevanhu vokuJudha?

․․․․․

Manzwiro akaita sei aunoona achibudiswa nenzwi raJeremiya paaizivisa nyevero yaJehovha?

․․․․․

DZAMISA PFUNGWA.

Jeremiya anofanira kunge aiva nokutenda kwakaita sei kwakaita kuti azivise nyevero iyoyo akashinga?

․․․․․

2 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA JEREMIYA 38:6-13.

Uchiita zvokufungidzira, tsanangura kufara, kudzika, uye kunhuwa kwaiita mugodhi.

․․․․․

Jeremiya angave akafungei ‘paakatanga kunyura mumatope acho’? (Verengazve ndima 6.)

․․․․․

DZAMISA PFUNGWA.

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunokwanisa kuwana, dzidza zvimwe zvawaisaziva nezvemigodhi yaishandiswa kare inotaurwa nezvayo muBhaibheri.

․․․․․

Ebhedhi-mereki anofanira kunge aiva nokutenda kwakaita sei kwakaita kuti atange kufunga nezvokununura Jeremiya? (Verengazve ndima 7-9.)

․․․․․

Sei Zedhekiya akakurumidza kubvuma, zvakataurwa nemachinda pakutanga uye gare gare naEbhedhi-mereki? (Verengazve ndima 5 ne10.) Izvi zvinoratidzei nezvake? nezvekusava kwake nokutenda?

․․․․․

Munyaya ino ndivanaani vakaratidza kutenda kwakasimba, uye ndiani asina? Sei uchidaro?

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA NEZVOKUTI . . .

Sei ushingi huchikosha?

․․․․․

Sei kutenda kuchikosha?

․․․․․

Jehovha anodzivirira sei vaya vanomuteerera vasingatyi?

․․․․․

Kana zvinhu zvaoma, kuva nokutenda kungakubatsira sei kuti uite zvakarurama?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE SEI UCHIDARO?

․․․․․

KANA USINA BHAIBHERI, KUMBIRA ZVAPUPU ZVAJEHOVHA, KANA KUTI VERENGA PAINDANETI Pawww.watchtower.org

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe