Zvevechiduku
Zvaungaita Kuti Uwane Shamwari Dzakavimbika
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vari kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.
Vanonyanya kutaurwa: Jonatani, Dhavhidhi, uye Sauro
Muchidimbu: Dhavhidhi paanouraya Goriyati, Jonatani anova shamwari yaDhavhidhi yepamwoyo.
1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 1 SAMUERI 17:57–18:11; 19:1; 20:1-17, 41, 42.
Rondedzera zvaunofungidzira kuti ndizvo zvakanga zvakaita chitarisiko chaSauro. (Zvingangokubatsira: Ona 1 Samueri 10:20-23.)
․․․․․
Dhavhidhi anofanira kunge akanga achiri kakomana paakasangana naJonatani. Unofungidzira kuti chitarisiko chake chakanga chakaita sei? (Zvingangokubatsira: Ona 1 Samueri 16:12, 13.)
․․․․․
Manzwiro akaita sei aunoona achibudiswa mumanzwi aDhavhidhi naJonatani pavanoparadzana sezviri mumashoko okupedzisira a1 Samueri chitsauko 20?
․․․․․
2 DZAMISA PFUNGWA.
Nyaya yacho inoti “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi,” kana kuti semashandurirwo ainoitwa muContemporary English Version, “Dhavhidhi naJonatani vakava shamwari dzepamwoyo.” (1 Samueri 18:1) Unhu hupi hwaiva naDhavhidhi hwakaita kuti Jonatani ade kushamwaridzana naye? (Zvingangokubatsira: Ona 1 Samueri 17:45, 46.)
․․․․․
Dhavhidhi naJonatani vakanga vakasiyana nemakore anenge 30. Unofunga kuti zvii zvakavabatsira kuti vave “shamwari dzepamwoyo” pasinei nokusiyana kwemazera avo?
․․․․․
Sezvinoratidzwa nenyaya ino inobaya mwoyo, ndezvipi zvimwe zvinoratidza shamwari yechokwadi? (Zvingangokubatsira: Ona Zvirevo 17:17; 18:24.)
․․․․․
Nei Jonatani akanga akavimbika kuna Dhavhidhi kupfuura kuvimbika kuna baba vake?
․․․․․
3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA NEZVE . . .
Ushamwari.
․․․․․
Kuvimbika.
․․․․․
Kushamwaridzana nevanhu vakuru.
․․․․․
Zvaungaita kuti uwane shamwari dzakanakisisa.
․․․․․
4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE SEI UCHIDARO?
․․․․․
KANA USINA BHAIBHERI, KUMBIRA ZVAPUPU ZVAJEHOVHA, KANA KUTI VERENGA PAINDANETI Pawww.watchtower.org