Chechina
Ngwarira Pakusarudza Shamwari
BHAIBHERI RINODZIDZISEI? “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20.
CHINOITA KUTI ZVIOME. Shamwari dzedu dzinogona kuita kuti tigutsikane kana kuti tisagutsikana. Mafungiro avo nezvavanotaura zvinogona kuchinja maonero atinoita upenyu.—1 VaKorinde 15:33.
Somuenzaniso, chimbofunga nezvenhoroondo yeBhaibheri yevarume 12 vakanga vadzoka kunosora nyika yeKenani. Vakawanda vavo “vakaramba vachiunza mashoko akaipa kuvanakomana vaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vanosora.” Kunyange zvakadaro, varume vaviri chete ndivo vakataura zvakanaka nezvenyika yeKenani vachiti “inyika yakanaka kwazvo.” Asi mafungiro asina kunaka evarume gumi akapararira muvanhu. Nhoroondo yacho inoti, ‘Ungano yose yakaridza mhere, vanakomana vaIsraeri vose vakatanga kugunun’una.’—Numeri 13:30–14:9.
Saizvozvowo, vanhu vakawanda nhasi “vagunun’uni, vanyunyuti pamusoro pomugove wavo muupenyu.” (Judha 16) Zvakaoma kuramba uchigutsikana iwe une shamwari dzisingagutsikani.
ZVAUNGAITA. Ongorora kuti inyaya dzipi dzamunotaura neshamwari dzako. Shamwari dzako dzinowanzodada nezvinhu zvadzinazvo kana kuti dzinongogara dzichinyunyuta nezvezvinhu zvadzisina here? Ko iwe uri shamwari yakaita sei? Unoedza nepose paunogona kuti shamwari dzako dzikuchive kana kuti unodzikurudzira kuti dzigutsikane nezvadzinazvo here?
Chimbofunga muenzaniso waDhavhidhi, uyo akanga achizova mambo uyewo waJonatani mwanakomana waMambo Sauro. Dhavhidhi akanga achigara somupoteri ari murenje. Mambo Sauro akafunga kuti Dhavhidhi aizomubvutira chigaro saka aida kumuuraya. Kunyange zvazvo Jonatani ari iye aifanira kuzova mambo, akanga ava tsika nditsikewo naDhavhidhi. Jonatani aiziva kuti Mwari akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo uye aigutsikana nokutsigira shamwari yake.—1 Samueri 19:1, 2; 20:30-33; 23:14-18.
Shamwari dzakadaro, dzinoedza kugutsikana uye dzinoda kuti iwe ufambirwe zvakanaka noupenyu ndidzo dzakanaka. (Zvirevo 17:17) Ichokwadi kuti kana uchida kuva neshamwari dzakadaro iwewo unofanira kuratidza unhu hwakadaro.—VaFiripi 2:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Shamwari dzako dzinoita kuti ugutsikane here kana kuti usagutsikana?