RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 11/1 pp. 22-23
  • Munhu Ane Maperembudzi Anoporeswa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Ane Maperembudzi Anoporeswa!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anokunda Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 11/1 pp. 22-23

Zvevechiduku

Munhu Ane Maperembudzi Anoporeswa!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Naamani, Erisha uye musikana wechiIsraeri asina kutaurwa zita rake

Nyaya yacho muchidimbu: Mukuru weuto reSiriya, Naamani, anoporeswa chirwere chake chaisemesa pashure pokunge audzwa nomusikana wechiIsraeri kuti aende kuna Erisha.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 2 MADZIMAMBO 5:1-19.

Unofunga kuti chisikana chechiIsraeri ichi chakatorwa kuvabereki vacho vainamata Mwari chainzwa sei?

․․․․․

Unofunga kuti murume ane simba asi ane chirwere chiri kumuonesa chakati tende anonzi Naamani ari kunzwa sei?

․․․․․

Naamani nevashandi vake pavari kutaura sezvakanyorwa mundima 11 kusvika ku13 unofunga kuti vari kunzwa sei?

․․․․․

Kutanga nendima 15 zvii zvaunoona zvava kuchinja pamafungiro aNaamani?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Chii chingava chakakonzera kuti Naamani adade kudaro? (Verengazve ndima 1.)

․․․․․

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunazvo, tsvaga uone zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri nezvemaperembudzi.a (Somuenzaniso chirwere ichi chakanga chakambomira sei? Chaitapuriranwa here? Chairapwa sei?)

․․․․․

Unofunga kuti kuporeswa kwakaitwa Naamani kwakaita kuti chisikana chechiIsraeri chinzwe sei?

․․․․․

Zvakataurwa naErisha kuna Naamani zvingava zvakaita kuti Naamani aite sei(Ona ndima 10.)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Zvakaipira kudada.

․․․․․

Kushinga kutaura zvaunotenda.

․․․․․

Simba raJehovha rokuporesa zvirwere.

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

KANA USINA BHAIBHERI, KUMBIRA ZVAPUPU ZVAJEHOVHA, KANA KUTI VERENGA PAINDANETI www.watchtower.org

[Mashoko Omuzasi]

a Maperembudzi aitaurwa munguva dzeBhaibheri, mazuva ano anosanganisira chirwere cheganda chinonzi Hansen.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe