RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 3/1 pp. 30-31
  • Tsigira Kunamata Kwechokwadi!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsigira Kunamata Kwechokwadi!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anovenga Kusaruramisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mosesi Anopiwa Basa Rinokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 3/1 pp. 30-31

Zvevechiduku

Tsigira Kunamata Kwechokwadi!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Eriya, Ahabhi, uye vaprofita vaBhaari 450

Nyaya yacho muchidimbu: Eriya anoratidza kuti Jehovha ane simba kudarika Bhaari.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 1 MADZIMAMBO 18:17-40.

Tsvaka rimwe bepa udhirowe paunofungidzira kuti ndipo pakamira Eriya, vaprofita vaBhaari, uye pane atari.

Ruzha rwakaita sei rwaunonzwa pazhowe-zhowe iri kuitika sezvinorondedzerwa mundima 26 kusvika ku29?

․․․․․

Unofunga kuti inzwi raEriya rakadini paari kutaura nevaprofita vaBhaari?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Nemhaka yei Eriya aifanira kuva noushingi hwokuenda kuna Ahabhi obva aita chiratidzo chaizonyadzisa mazana evaprofita vaBhaari? (Zvingangokubatsira: Ona 1 Madzimambo 18:4, 13, 14.)

․․․․․

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunogona kuwana, ongorora zvine chokuita nokunamata Bhaari. Somuenzaniso, ndedzipi dzimwe tsika dzaiitwa pakunamata Bhaari? Kunamata Bhaari kwakaita kuti vaIsraeri vaite sei?

․․․․․

Unofunga kuti nemhaka yei Eriya akachera mugero waitenderedza atari yaJehovha achibva azouzadza nemvura?

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Ushingi hunodiwa kuti utsigire kunamata kwechokwadi.

․․․․․

Kubatsirwa kunoitwa vaya vanoratidza ushingi.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Muupenyu hwako ndepapi paungaratidza ushingi pakutsigira kunamata kwechokwadi?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana usina Bhaibheri, kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti verenga paIndaneti www.watchtower.org

[Bhokisi riri papeji 31]

Mashoko Ane Chokuita neGungano reRuwa

Kutanga gore rino, mazuva uye nzvimbo dzichaitirwa magungano eruwa zvinenge zvisingachabudiswi muNharireyomurindi mumitauro yose. Mashoko aya anogona kuwanikwa paIndaneti pawww.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe