Zvevechiduku
Mwari Anovenga Kusaruramisira
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.
Vanhu vanonyanya kutaurwa: Ahabhi, Jezebheri, Nabhoti uye Eriya
Nyaya yacho muchidimbu: Mambo Ahabhi anofurirwa naJezebheri ouraya munhu kuti awane munda.
1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 1 MADZIMAMBO 21:1-26.
Unofunga kuti vanhu vana vari munhoroondo ino vakaita sei?
Ahabhi ․․․․․
Jezebheri ․․․․․
Nabhoti ․․․․․
Eriya ․․․․․
Unofunga kuti manzwi aJezebheri naAhabhi akaita sei mundima 5 kusvika ku7?
Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakaita nyonganyonga iri mundima 13.
․․․․․
Eriya naAhabhi pavanotaurirana mundima 20-26 unofunga kuti manzwi avo akaita sei?
․․․․․
2 DZAMISA PFUNGWA.
Mundima 7 ne25 Jezebheri anoratidza unhu hupi?
․․․․․
Mundima 4 Ahabhi anoratidza unhu hupi?
․․․․․
Kuti Ahabhi atore munda womuzambiringa waNabhoti, ndiani mumwe waaifanira kuuraya? (Verenga 2 Madzimambo 9:24-26.)
․․․․․
Mukuona kwaJehovha Ahabhi aiva munhu akaita sei? (Verengazve ndima 25 ne26. Onawo 1 Madzimambo 16:30-33.)
․․․․․
3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO . . .
Pokuti Jehovha anoona zvinhu zvakaipa zvinenge zvichiitwa.
․․․․․
Pokuti Jehovha ane hanya nevaya vanoitirwa zvakaipa.
․․․․․
Pokuratidza kunoita Jehovha kuti ndiMwari wokururamisira. (Verenga Dheuteronomio 32:4.)________
․․․․․
4 ZVIMWE ZVOKUTI UITE.
Mazuva ano vamwe vanhu vangaratidza sei unhu hwakaita sehwaJezebheri? (Verenga Zvakazarurwa 2:18-21.)
․․․․․
Ndepapi paungafanira kuratidza ushingi hwakaita sehwaEriya?
․․․․․
Paunoona vamwe vachibatwa zvisina kunaka kana kuti iwe wacho paunobatwa zvisina kunaka, ungava nechivimbo chei?
․․․․․
5 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
Zvaungaita: Ita somutori wenhau ari kurondedzera zvakaitika, wofungidzira uchibvunzurudza vanhu vanonyanya kutaurwa munyaya ino nevakaona zvaiitika zvacho.
VHURA pawww.pr2711.com
Verenga Bhaibheri paIndaneti
Tora mashoko enyaya iyi kana kuti ita zvokuipirinda