RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 pp. 30-31
  • Mosesi Anopiwa Basa Rinokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mosesi Anopiwa Basa Rinokosha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anokunda Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 pp. 30-31

Zvevechiduku

Mosesi Anopiwa Basa Rinokosha

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanotaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Jehovha Mwari naMosesi

Nyaya yacho muchidimbu: Jehovha anopa Mosesi basa rokutungamirira vaIsraeri kubva muIjipiti.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA EKSODHO 3:1-14; 4:1-17.

Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvaiva zvakaita gwenzi raipfuta moto.

․․․․․

Unofunga kuti chiso chaMosesi neinzwi rake zvakaita sei paari kunzwa Mwari achimushevedza sezviri pana Eksodho 3:4?

․․․․․

Inzwi raMosesi riri kuratidza kuti ari kunzwa sei paari kubvunza Jehovha, sezvakanyorwa pana Eksodho 3:11, 13 uye 4:1, 10?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunazvo, tsvaka mamwe mashoko nezvechirevo chokuti “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Nei Jehovha akataura mashoko iwayo Mosesi paakamubvunza zita rake?a

․․․․․

Unofunga kuti nemhaka yei Mosesi akanga achizeza kunotaura naFarao? (Zvingangokubatsira: Verenga Numeri 12:3.)

․․․․․

Chii chingava chaiita kuti Mosesi azeze kunotaura nevaIsraeri vaainamata navo?

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kutya kunowanzoita vanhu.

․․․․․

Kuti Jehovha anovimba nesu uye anoziva zvatinokwanisa kuita.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Ndepapi paunowanzotya kuita zvimwe zvinhu?

․․․․․

Kunyange zvazvo paine zvausingakwanisi, ndezvipi zvimwe zvaungaitira Jehovha Mwari?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana uchida kutora mashoko enyaya iyi kana kuti uchida kuipirinda, enda paIndaneti pakero inoti www.pr2711.com

Kana usina Bhaibheri, kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti riverenge paIndaneti www.watchtower.org

[Mashoko Omuzasi]

a Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku akawanda nemabhurocha anogona kukubatsira kuti udzamise pfungwa dzako paunenge uchidzidza Bhaibheri. Kuti unzwe zvakawanda, taura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe