RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 10/1 p. 4
  • 1 Mwari Haanzwisisiki—Ichokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Mwari Haanzwisisiki—Ichokwadi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinonyatsoita Here Kuti Tizive Mwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mwari Ndichakavanzika Here?
    Mukai!—1992
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Dzidziso yoUtatu Yakatanga Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 10/1 p. 4

1 Mwari Haanzwisisiki—Ichokwadi Here?

Zvaungadaro wakanzwa: “Maitiro aMwari haanzwisisiki.”

Richitsanangura dzidziso youtatu sokudzidziswa kwainoitwa nemachechi enhema, bhuku rinonzi The Athanasian Creed rinoti: “Baba havanzwisisiki, Mwanakomana haanzwisisiki uye Mweya Mutsvene haunzwisisiki.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Jesu akati vanhu vanoramba ‘vachiwana zivo pamusoro paMwari wechokwadi chete’ ndivo vaizowana makomborero. (Johani 17:3) Saka kana Mwari asinganzwisisiki, tinokwanisa sei kuwana zivo pamusoro pake? Mwari anoda kuti munhu wose azive nezvake uye haatombozvivanzi.—Jeremiya 31:34.

Ichokwadi kuti hatizombofi hedu takasvika pakuziva zvose pamusoro paMwari. Izvi hazvifaniri kutishamisa nokuti mafungiro aMwari nenzira dzake zvakakwirira chaizvo pane zvedu.—Muparidzi 3:11; Isaya 55:8, 9.

Kubatsirwa kwaungaita nokuziva chokwadi: Kana Mwari asingagoni kunzwisiswa nevanhu, tingazvinetserei nokuedza kumunzwisisa? Iye anotoita kuti timunzwisise uye tive neukama hwepedyo naye. Mwari akarondedzera murume aiva akatendeka Abrahamu achimuti “shamwari yangu,” uyewo Mambo weIsraeri, Dhavhidhi, akanyora kuti: “Kuva shamwari yepedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya.”—Isaya 41:8; Pisarema 25:14.

Unoona sokuti kuva noushamwari hwepedyo naMwari chinhu chisingambofi chakaitika here? Zvinonzwisisika kuti paunotanga kunzwa nezvazvo, zvinoita sezvisingaiti. Asika ona zvinotaurwa pana Mabasa 17:27 panoti: Mwari haasi “kure nomumwe nomumwe wedu.” Pakudii? Pakuti anoshandisa Bhaibheri kutidzidzisa zvatinofanira kuita kuti tinyatsomuziva.a

Anotiudza kuti zita rake rinonzi Jehovha. (Isaya 42:8) Akaita kuti kudyidzana kwaaiita nevanhu vekare kunyorwe kuitira kuti tizive kuti iye ndiMwari akaita sei. Mwari anototiudzawo manzwiro aanoita. “Ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Eksodho 34:6) Zvatinoita zvinogona kumurwadzisa kana kumufadza. Somuenzaniso, rudzi rwaIsraeri yekare rwaka“murwadzisa” parwakamupandukira. Asiwo vaya vanoratidza kuchenjera nokumuteerera vanomufadza.—Pisarema 78:40; Zvirevo 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko ezvinotaurwa neBhaibheri pamusoro paMwari, ona chitsauko 1 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Kana Mwari ari utatu husinganzwisisiki, tingakwanisa kusvika pakunyatsomuziva here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

The Trinity c.1500, Flemish School, (16th century)/H. Shickman Gallery, New York, USA/The Bridgeman Art Library International

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe