RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 pp. 6-8
  • Abrahamu—Murume Aiva Noushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Abrahamu—Murume Aiva Noushingi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • ‘Uri Mukadzi Akanaka Chaizvo’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Abrahamu naSara Vakateerera Mwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 pp. 6-8

Abrahamu—Murume Aiva Noushingi

Abrahamu anotarisa mhuri yake nevashandi vake pavanenge vachigadzirira kuenda kuKenani. (Genesisi 12:1-5) Paanotarisa boka guru revanhu iri rinoda chouviri kwaari, anoona kuti ane basa rokuvariritira. Achavariritira sei iye ari kuenda kunyika yaasingazivi? Basa iri raisazomuitira nyore here kudai anga aramba achigara muUri, guta rakabudirira rine mafuro akakura, ivhu rakaorera uye mvura yakawanda? Ko kana akarwara ofira munyika yaasingazivi? Ndiani achariritira mhuri yake? Abrahamu angave ari kuzvidya mwoyo nenyaya idzodzo, asi haaregi zvichimutadzisa kuita zvaanofanira kuita. Kuratidza kuti ane ushingi, anotsidza kuteerera mirayiro yaMwari chero zvodini.

CHII CHINONZI USHINGI? Zvinoreva kuva munhu akasimba, ane chivindi anotsungirira, asingatyi nhando uye asingavhunduki. Kuva noushingi hazvirevi hazvo kuti hapana patinombotyawo. Asi munhu anopiwa ushingi naMwari anoona zvokuita pasinei nokuti angave achitya.

ABRAHAMU AKARATIDZA SEI USHINGI? Akabvuma kuita zvakasiyana nevamwe vose. Akakurira munzvimbo yaiva nevanhu vainamata zvidhori navanamwari vakawanda, asi akaramba achiita zvaaiziva kuti zvakarurama asingatyi kuti vanhu vachamuti kudini. Akaratidza ushingi akasarudza kunamata Mwari mumwe chete “Wokumusorosoro,” Jehovha.—Genesisi 14:21, 22.

Abrahamu ainyanya kukoshesa kunamata Mwari kupfuura pfuma. Akabvuma kusiya upenyu hwomutambarakede muUri achinogara musango, aine chokwadi chokuti Jehovha aizomupa zvaaida pakurarama. Makore zvaaipindana, Abrahamu angangodaro aimbofunga nezveupenyu hwoumbozha hwaakanga ararama muUri. Asi aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizomutarisira iye nemhuri yake. Sezvo aiona Jehovha semunhu ainyanya kukosha muupenyu hwake, Abrahamu akawana ushingi hwokuteerera mirayiro yaMwari.

TINODZIDZEI? Tinogona kutevedzera Abrahamu kana tikava noushingi hwokuteerera Jehovha kunyange kana vamwe vanhu vasingateereri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti vaya vanotenda muna Jehovha Mwari vanogona kushorwa zvichida neshamwari dzavo kana kuti voukama vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka. (Johani 15:20) Zvisinei, kana tiine chokwadi nezvatakadzidza nezvaJehovha, tinotsigira zvatinotenda, tichizviita neruremekedzo.—1 Petro 3:15.

Tinogonawo kuvimba nechipikirwa chaMwari chokuti achapa vaya vanotenda maari zvinhu zvavanoda. Chivimbo ichocho chinofanira kutipa ushingi hwokunyanya kukoshesa zvinhu zvokunamata pane kukoshesa pfuma. (Mateu 6:33) Ona kuti imwe mhuri yakazviita sei.

Doug naBecky vakafunga zvokutamira kunyika yainyanya kudiwa vaparidzi vemashoko akanaka eBhaibheri, kunyange zvazvo vanakomana vavo vaviri vakanga vachiri vaduku. Vakanyatsoongorora mamiriro ezvinhu vakanyengetera nomwoyo wose, vachibva vasarudza kuita zvavaironga. Doug anoti: “Zvaida ushingi kuti titore vana totamira kunzvimbo yataisava nechokwadi kuti zvinhu zvaizonyatsotifambira sei. Asi patakatanga kufunga nezvenyaya iyi, takakurukura muenzaniso waAbrahamu naSara. Kufunga nezvekuvimba kwavakaita naJehovha uye kuti iye haana kumbovabatisa pasi, kwakatibatsira chaizvo.”

Achitaura nezvemararamiro avanoita vari kune imwe nyika, Doug anoti: “Takakomborerwa zvinoshamisa. Sezvo tichirarama upenyu husina twakawanda-wanda, tiri kuwana nguva yakawanda yokuva pamwe chete semhuri tichiparidza, tichikurukura uye tichitamba nevanakomana vedu. Tine rusununguko rwandisingagoni kurondedzera.”

Hazvirevi hazvo kuti tose tinokwanisa kutama sezvakaita mhuri iyi. Asi tose zvedu tinogona kutevedzera muenzaniso waAbrahamu kana tikaisa kunamata Mwari panzvimbo yokutanga muupenyu hwedu tichivimba kuti achatitsigira. Patinoita izvozvo tinenge tichiteerera zano reBhaibheri rokuti “tive vakashinga kwazvo tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi.’”—VaHebheru 13:5, 6.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Munhu anopiwa ushingi naMwari anoona zvokuita pasinei nokuti angave achitya

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

Mukadzi Anotya Mwari Uye Mudzimai Akanaka

Sara akanga akaroorwa nemurume aiva nokutenda kunoshamisa. Asiwo iye pachake akatisiira muenzaniso wakakodzera kuti titevedzere. Katatu, Bhaibheri rinototaura nezvake somuenzaniso wokuti vakadzi vanotya Mwari vatevedzere. (Isaya 51:1, 2; VaHebheru 11:11; 1 Petro 3:3-6) Kunyange zvazvo Magwaro achingotaura zvishomanene nezvomukadzi uyu anoshamisa, tinogona kuona kuti aiva neunhu hwakanaka.

Somuenzaniso, chimbofunga kuti Sara akaita sei Abrahamu paakamuudza kuti Mwari akanga ati vatame muUri. Akanetseka here kuti vaizoenda kupi uye kuti nei vaifanira kutama? Akanetseka here kuti vaizowana kupi chouviri? Akazvidya mwoyo here paaifunga nezvekuparadzana nehama neshamwari dzake asingazivi kana aizombofa akaonana navo zvekare? Zviri pachena kuti zvinhu izvi zvakambouya mumusoro maSara. Kunyange zvakadaro, akabvuma kutama, aine chivimbo chokuti Jehovha aizomukomborera nemhaka yokuteerera kwake.—Mabasa 7:2, 3.

Sara akanga asingori munhu anoteerera Mwari chete asiwo aiva mudzimai akanaka. Pane kukwikwidzana nemurume wake, Sara airemekedza murume wake nomwoyo wose achimutsigira pakutungamirira mhuri yavo. Paaiita izvi, aizvishongedza neunhu hwakanaka.—1 Petro 3:1-6.

Vakadzi vangadzidzei paunhu hwaiva naSara? Mumwe mudzimai anonzi Jill ava nemakore anopfuura 30 akaroorwa uye achigarisana zvakanaka nemurume wake anoti: “Muenzaniso waSara wakandidzidzisa kuti ndinofanira kutaura zvandinofunga kumurume wangu ndakasununguka.” Anoenderera mberi achiti: “Asiwo ndinoziva kuti murume wangu zvaari iye musoro wemba, ndiye anofanira kuzosarudza zvokuita. Kana asarudza zvokuita, ndinofanira kuita zvose zvandinogona kuti ndimutsigire kuti zvaasarudza zvibudirire.”

Zvinoita sokuti chidzidzo chinonyanya kutibaya mwoyo chatinodzidza kuna Sara ndechokuti: Kunyange zvazvo aiva tsvarakadenga, izvozvo hazvina kuita kuti adade. (Genesisi 12:10-13) Asi akatsigira Abrahamu achizvininipisa zvinhu pazvaiva zvakanaka nepazvaiva zvakaoma. Hapana mubvunzo kuti Abrahamu naSara vaidanana, vaizvininipisa uye vakanga vakatendeka. Izvi zvakaita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka mumba mavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe