RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 1/1 pp. 19-21
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 1/1 pp. 19-21

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

MUMWE musikana akashungurudzwa achiri muduku akazorarama sei upenyu hune chinangwa? Chii chakaita kuti mumwe mupanduki aiita zvematongerwo enyika uye aida zvokurwa apedzisire ava muparidzi wemashoko akanaka anoda runyararo? Verenga nhoroondo dzinotevera kuti unzwe mhinduro dzacho.

“Ndaiva nechishuwo chokudiwa nokuvawo neshamwari.”—INNA LEZHNINA

GORE ROKUBEREKWA: 1981

NYIKA: RUSSIA

NHOROONDO YOUPENYU: KUSHUNGURUDZWA NDICHIRI MUDUKU

MARARAMIRO ANDAIITA: Vabereki vangu vaiva matsi uye ini ndakaberekwawo ndiri matsi. Makore matanhatu okutanga muupenyu hwangu ainakidza chaizvo. Asi vabereki vangu vakazorambana. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri muduku, ndainzwisisa kuti kurambana kuita sei, uye zvakandirwadza chaizvo. Pashure pokunge baba varambana naamai vangu, vakanogara kuTroitsk nabhudhi vangu, asi amai vakanditora tikanogara kuChelyabinsk. Nokufamba kwenguva, vakaroorwa nomumwe murume. Murume waamai vangu aiva chidhakwa, uye aigara achingotirova ini naamai.

Muna 1993, hanzvadzi yangu yandaida yakanyura mumvura. Tsaona iyi yakavhundutsa mhuri yedu chaizvo. Amai vangu vakatanga kunwa doro uye vakabva vatanga kundishungurudzawo sezvandaiitwa nomurume wavo. Ndakatanga kutsvaka upenyu huri nani. Ndaiva nechishuwo chokudiwa nokuvawo neshamwari. Ndakatanga kupinda chechi dzakasiyana-siyana ndichida kunyaradzwa asi hapana yakandinyaradza.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndava nemakore 13, mumwe musikana aiva mukirasi mangu, uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, aindiudza nyaya dzomuBhaibheri. Ndakanakidzwa nokudzidza nezvevanhu vomuBhaibheri vakaita saNoa naJobho, vaishumira Mwari pasinei nematambudziko avaisangana nawo. Pasina nguva ndakanga ndava kudzidza Bhaibheri neZvapupu uye ndava kupinda misangano yavo.

Kudzidza Bhaibheri kwakavhura maziso angu ndikaona pfungwa dzakawanda dzechokwadi. Ndakabayiwa mwoyo nokuziva kuti Mwari ane zita. (Pisarema 83:18) Ndakashamiswa kuona kururama kwakanga kwakaita Bhaibheri parakagara rataura nezvemamiriro aizenge akaita zvinhu “mumazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Uye ndakafara chaizvo kuziva nezvetariro yokumutswa kuchaitwa vanhu. Pafunge! Ndichazoonazve hanzvadzi yangu.—Johani 5:28, 29.

Zvisinei, vamwe vanhu havana kufarira zvinhu zvinofadza zvandakanga ndiri kudzidza izvi. Amai vangu nomurume wavo vaivenga Zvapupu zvaJehovha. Vakaedza kundimanikidza kuti ndirege kudzidza Bhaibheri. Asi ndainakidzwa chaizvo nezvandaidzidza saka ndakatsidza kuti ndaisazorega.

Zvakanga zvakandiomera pandaishorwa nekupikiswa nevomumhuri mangu. Ndakarwadziwa zvisingaiti apo imwe hanzvadzi yangu yaiva yaenda neni kumisangano yeZvapupu zvaJehovha yakanyurawo mumvura. Asi Zvapupu zvakanditsigira chaizvo. Vakandiratidza rudo noushamwari zvandaishuva kwoupenyu hwangu hwose. Ndakabva ndaona kuti ichi ndicho chitendero chechokwadi. Muna 1996, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino tava nemakore matanhatu takaroorana nomurume wangu anondida chaizvo Dmitry. Tiri kushanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha riri kuSt. Petersburg. Nokufamba kwenguva, vabereki vangu vakazochinja maonero avaiita chitendero changu.

Ndinotenda chaizvo kuti ndava kuziva Jehovha. Kumushumira kwakaita kuti upenyu hwangu huve nechinangwa.

“Ndaiva nemibvunzo yakawanda yaindinetsa.”—RAUDEL RODRÍGUEZ RODRÍGUEZ

GORE ROKUBEREKWA: 1959

NYIKA: CUBA

NHOROONDO YOUPENYU: MUPANDUKI WEZVEMATONGERWO ENYIKA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa kuHavana, kuCuba, uye ndakakurira munharaunda yaiva nourombo zvikuru kwaigara kuchingorwiwa mumigwagwa. Pandaikura, ndakatanga kufarira mutambo wetsiva unonzi judo nemimwewo mitambo yetsiva.

Ndaigona muchikoro, saka vabereki vangu vaindikurudzira kuti ndiende kuyunivhesiti. Ndiri ikoko, ndakatanga kuona sokuti bato raitonga munyika yedu raifanira kuchinjwa. Ndakasarudza kupandukira hurumende. Ini nomumwe aiva mukirasi mangu takarova mumwe mupurisa, tichida kumutorera pfuti yake. Kumurwisa kwatakaita kwakaita kuti akuvare chaizvo mumusoro. Takasungirwa nyaya iyi tikatongerwa rufu. Ndaingova nemakore 20, asi ndakanga ndava kutozofa!

Ndiri ndoga muchitokisi changu, ndakafunga nezvezvandaizoita pandaizenge ndava kupfurwa. Ndakanga ndisingatombodi kuratidza kuti ndinotya. Asiwo ndaiva nemibvunzo yakawanda yaindinetsa. Ndaizvibvunza kuti: ‘Seiko vanhu vachiitirana zvakaipa kudaro munyika? Kana munhu akafa zvatopera here?’

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Mutongo wedu worufu wakachinjwa kuva makore 30 mujeri. Apa ndipo pandakaonana neZvapupu zvaJehovha zvakanga zvasungirwa zvazvaitenda. Ndakashamiswa noushingi hwaiva neZvapupu asi zvisingadi zvokurwa. Kunyange zvakanga zvasungwa zvisina mhosva, zvakanga zvisina kushatirwa uye zvisina shungu dzokutsiva.

Zvapupu zvakandidzidzisa kuti Mwari ane chinangwa nokuda kwevanhu. Zvakandiratidza muBhaibheri kuti achachinja nyika yedu kuti ive paradhiso isina utsotsi uye ine vanhu vanoitirana zvakanaka. Vakandidzidzisa kuti nyika ichazara nevanhu vakanaka vachararama nokusingaperi mumamiriro ezvinhu akanaka kwazvo.—Pisarema 37:29.

Zvinhu zvandaidzidziswa neZvapupu zvaindinakidza, asi unhu hwangu hwaiva hwakasiyana chaizvo nehwavo. Ndaifunga kuti hazvingaiti kuti ndishaye bato rezvematongerwo enyika randinotsigira uye handingambokwanisi kupa munhu rimwe dama rangu iye andidenha. Saka ndakasarudza kuverenga Bhaibheri ndiri ndoga. Pandakapedza ndakazoona kuti Zvapupu zvaJehovha ndivo chete vanhu vanoita zvaiitwa nevaKristu vokutanga.

Kudzidza kwandaiita Bhaibheri kwakaita kuti ndione kuti ndine zvikuru zvandaifanira kuchinja muupenyu hwangu. Somuenzaniso, ndaifanira kuchinja matauriro andaiita, nokuti mukanwa mangu makanga makaumburukwa nechidembo. Ndaifanirawo kurega kusvuta fodya. Ndaifanirawo kurega kutsigira mapato ezvematongerwo enyika. Zvakanga zvisiri nyore kuchinja seizvi, asi zvishoma nezvishoma ndakabudirira, ndichibatsirwa naJehovha.

Chimwe chakanga chakandiomera chaizvo inyaya yokudzora hasha. Ndichiri kugara ndichinyengeterera kuti ndidzore hasha dzangu. Ndakabatsirwa chaizvo nendima dzeBhaibheri dzakaita saZvirevo 16:32, iyo inoti: “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba, uye anodzora hasha dzake ari nani pane anokunda guta.”

Muna 1991, ndakabhabhatidzwa ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakabhabhatidzirwa mune rimwe dhiramu remvura raiva mujeri macho. Gore rakatevera racho, ini nevamwe vasungwa takasunungurwa tikaendeswa kuSpain. Pandakangosvika kuSpain, ndakabva ndangotanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zveikoko zvakanditambira sezvinonzi takanga tatova nemakore tichizivana, uye zvakandibatsira kutanga upenyu hwangu patsva!

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndava kufara kushumira Mwari nomudzimai wangu nevanasikana vedu. Ndine ropafadzo yokupedza nguva yakawanda ndichibatsira vamwe kudzidza Bhaibheri. Dzimwe nguva ndinofunga nezvepandaifanira kufa ndichiri jaya, uye ndinoonga chaizvo kuti ndakazowana zvakawanda. Ndichiri mupenyu uye ndine tariro. Ndinomirira Paradhiso yakavimbiswa, nguva yokuti vanhu vanenge vachitongwa zvakarurama, ‘rufu rusisipo.’—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

“Ndakabayiwa mwoyo nokuziva kuti Mwari ane zita”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Nomurume wangu tinonakidzwa nokupa matsi mabhuku emutauro wemasaini

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe