RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 4 pp. 4-7
  • Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHOKWADI CHINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
  • MATANGIRO AKAITA DZIDZISO YENHEMA
  • “CHOKWADI CHICHAKUSUNUNGURAI”
  • Kudavira Kwako Rumuko Kwakasimba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Murangariro Wako Womweya Unotapura Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ko Mweya Unopukunyuka Rufu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tariro Iri Nani Yomweya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 4 pp. 4-7
Munhu akafa ari muguva

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOTI CHII CHINOITIKA KANA MUNHU AFA?

Bhaibheri Rinoti Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

Kana tikaverenga Bhaibheri muna Genesisi tinonzwa kuti Mwari akaudza Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Mutemo uyu unoratidza kuti dai Adhamu akateerera Mwari, aizoramba achirarama mumunda weEdheni.

Adhamu naEvha vachembera

Evha akauya kuna Adhamu nemuchero wavainge varambidzwa. Pane kuti Adhamu ateerere Mwari, akabva adya muchero wacho. (Genesisi 3:1-6) Kusateerera kwaakaita ndiko kuri kukonzerawo kuti nhasi tife. Muapostora Pauro akatsanangura izvi paakati: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) “Munhu mumwe chete” uyu ndiAdhamu. Saka chivi chaakaita ndechei, uye nei chakakonzera rufu?

Chivi chakaitwa naAdhamu kutyora kwaakaita mutemo waMwari nemaune. (1 Johani 3:4) Saka chivi ndicho chakakonzera rufu, sezvakanga zvaudzwa Adhamu naMwari. Kudai Adhamu akaramba achiteerera Mwari angadai asina kufa uyewo isu dai tisiri kufa. Mwari akasika vanhu kuti vararame nekusingaperi, kwete kuti vafe.

Hapana anoramba kuti rufu “rwakapararira kuvanhu vose,” sezvakataurwa neBhaibheri. Kana tafa pane chimwe chinhu chinoramba chichirarama here? Vakawanda vanoti mweya ndiwo unoramba uchirarama. Asi kutaura izvozvo kwakafanana nekuti Mwari akanyepera Adhamu. Nei? Nekuti kana paine chimwe chinhu chinoramba chichirarama kana tafa, zvinoreva kuti Mwari akanyepa paakati chivi ndicho chinokonzera rufu. Bhaibheri rinoti: ‘Hazviiti kuti Mwari areve nhema.’ (VaHebheru 6:18) Satani ndiye akareva nhema paakaudza Evha kuti: “Chokwadi hamungafi.”​—Genesisi 3:4.

Izvi zvinoita kuti pave nemubvunzo wekuti, Kana dzidziso yekuti mweya haufi iri yenhema, saka chii chinoitika kana munhu afa?

CHOKWADI CHINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Nyaya iri muna Genesisi inoti: “Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva revhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, munhu akava mweya mupenyu.” Mashoko ekuti “mweya mupenyu” akashandurwa kubva pashoko rechiHebheru rekuti ne’phesh,a iro rinoreva “chisikwa chipenyu.”​—Genesisi 2:7.

Saka Bhaibheri rinoratidza pachena kuti munhu haana mweya usingafi asi kuti iye pachake ndiye “mweya mupenyu.” Hapana paunombowana vhesi ine mashoko ekuti “mweya haufi,” kunyange ukatsvaga sei.

Kana Bhaibheri richidzidzisa kuti mweya unofa, sei zvitendero zvakawanda zvichidzidzisa kuti mweya haufi? Zvaiitika kuIjipiti ndizvo zvinoratidza kuti sei vachidzidzisa izvozvo.

MATANGIRO AKAITA DZIDZISO YENHEMA

Mumwe munyori wezvakaitika kare wechiGiriki akararama kuma400 B.C.E. anonzi Herodotus akati, vaIjipiti “ndivo vekutanga kutsigira dzidziso yekuti mweya haufi.” VaBhabhironi vaifarirawo dzidziso iyi. Alexander, mambo weGirisi paakazokunda nyika dziri kuMiddle East muna 332 B.C.E., vazivi vechiGiriki vakanga vaita kuti dzidziso iyi ipararire, uye pasina nguva yakanga yava kuzivikanwa munzvimbo dzaitongwa neGirisi.

Hapana paunombowana vhesi ine mashoko ekuti “mweya haufi”

Makore akatanga chiKristu, kwaiva nemapoka maviri echiJudha ainge akakurumbira aidzidzisa kuti nyama ndiyo inofa asi mweya haufi. Rimwe racho raiva revaEssen, rimwe riri revaFarisi. The Jewish Encyclopedia inoti: “Dzidziso yekuti mweya haufi yakazotanga kuzivikanwa nevaJudha pavakatanga kudyidzana nevanhu vekuGirisi uye kunyanya nezvaidzidziswa naPlato.” Munyori wezvakaitika kare wechiJudha anonzi Josephus anoti dzidziso iyi yakanga isiri muMagwaro Matsvene asi kuti “yaiva dzidziso yevanhu vekuGirisi,” uye aiiona sengano dzaingotaurwa nevanhu.

Sezvo tsika dzevanhu vekuGirisi dzairamba dzichipararira, vanhu vaizviti vaKristu vakatangawo kubvuma dzidziso iyi yenhema. Mumwe munyori wezvakaitika kare anonzi Jona Lendering akati, “Dzidziso yaPlato yekuti mweya wedu wakamborarama kune imwe nzvimbo yakanaka usati wava kurarama panyika, yakagamuchirwa zviri nyore nevaKristu.” Dzidziso yenhema yekuti mweya haufi ndomatangiro ayakaita mumachechi anozviti ndeechiKristu, ichibva yatova dzidziso yavo huru.

“CHOKWADI CHICHAKUSUNUNGURAI”

Makore akatanga chiKristu muapostora Pauro akanyevera kuti: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.” (1 Timoti 4:1) Zvaakataura zvakanyatsoitika! Dzidziso yekuti mweya haufi ‘idzidziso yemadhimoni.’ Haimo muBhaibheri, uye yakatangwa nezvitendero zvenhema uye nevanhu vaida kudzidzisa zvemupfungwa dzavo.

Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Takakomborerwa chaizvo. Kuziva chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri kunoita kuti tisunungurwe padzidziso dzinozvidza Mwari dziri muzvitendero zvakawanda. Uyezve chokwadi chiri muShoko raMwari chinotisunungura patsika dzinoitwa nevanhu kana munhu afa.​—Verenga bhokisi rakanzi “Vakafa Vari Kupi?”

Musiki wedu akanga asingadi kuti tingorarama makore 70 kana kuti 80 tiri panyika tobva tazoenda kudenga. Chinangwa chake chaiva chekuti tirarame nekusingaperi pano panyika, tiri vana vake vanoteerera. Izvi zvinoratidza kuti Mwari anotida, uye achazadzisa chinangwa chake. (Maraki 3:6) Munyori wepisarema akafemerwa naMwari kunyora kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”​—Pisarema 37:29.

Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekuti chii chinoitika kana munhu afa, verenga chitsauko 6 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikwawo pawww.pr2711.com.

a Bhaibheri Rinoera rinoshandura shoko rekuti ne’phesh richiti “chisikwa chine upenyu,” Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi rinoti “munhu akava mupenyu” uye Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti “munhu akava mweya mupenyu.”

Vanhu Vanokwanisa Kurarama Nekusingaperi Here?

Makore mashomanana apfuura, vanoongorora vakaona uswa hwemugungwa hwavari kufungidzira kuti hwava nezviuru zvemakore huchirarama. Zvinofungidzirwa kuti panyika hapana chimwe chinhu chinorarama makore akawanda kudaro. Uswa uhwu huri muchikwata chinonzi Posidonia oceanica, uye hunowanikwa pasi pegungwa reMediterranean, pakati peSpain neCyprus.

Kana uswa huchikwanisa kurarama makore akawanda kudaro, ko vanhu? Dzimwe nyanzvi dzesainzi dzinodzidza nezvekuchembera kwevanhu dzine tarisiro yekuzowana zvinhu zvinoita kuti vanhu vararame makore akawanda. Rimwe bhuku ravakanyora rinonzi rinotaura “nezvekufambira mberi kwavaita” pakuongorora nyaya iyi. Tichaona kuti pane chavachawana here kuti vanhu vararame kwemakore akawanda.

Asi tariro yekurarama nekusingaperi haibvi pane zvichawanikwa nenyanzvi dzesainzi. Musiki wedu Jehovha Mwari ndiye anokwanisa kuita izvi, uye Bhaibheri rinoti nezvake: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Jesu Kristu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Saka kana tikadzidza uye tikaita zvinodiwa naJehovha Mwari neMwanakomana wake Jesu Kristu, tichawana makomborero asingaperi.

Uswa hwemugungwa

Vaongorori vanoti dzimwe mhando dzeuswa uhwu hwemugungwa dzava nezviuru zvemakore dzichirarama

VAKAFA VARI KUPI?

Jesu achimutsa Razaro

Bhaibheri rinoti vanhu vakafa vari kumakuva, uye vakamirira kuzomutswa. (Johani 5:28, 29) Havasi kurwadziwa, nekuti “vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Jesu paaidzidzisa vanhu, akafananidza rufu nekurara. (Johani 11:11-14) Saka hatifaniri kutya vanhu vakafa kana kuedza kuvaitira zvimwe zvinhu tichifunga kuti vachafara. Havagoni kutibatsira kana kutikuvadza, nekuti muguva “hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Muparidzi 9:10) Asi Mwari achamutsa vanhu vakafa uye rufu haruzoviko zvachose.​—1 VaKorinde 15:26, 55; Zvakazarurwa 21:4.

Zvikonzero Zvekuti Uvimbe neBhaibheri

Tine zvikonzero zvinoita kuti tivimbe nezvinotaurwa neBhaibheri. Verenga unzwe zvimwe zvacho:

  • Chinyoreso neingi

    Munyori weBhaibheri: Bhaibheri rine mabhuku 66 akanyorwa nevanhu vanenge 40. Rakatora makore anopfuura 1 600 richinyorwa kubvira muna 1513 B.C.E. kusvikira muna 98 C.E. Asi zvese zvarinotaura zvinopindirana. Izvi zvinoratidza kuti Mwari Wemasimbaose ndiye akanyora Bhaibheri. Ndiye aipa varume vairinyora mashoko ekuti vanyore.

  • Mbiru

    Nyaya Dzarinotaura Ndedzechokwadi: Nyaya dzakanyorwa muBhaibheri dzinonyatsopindirana uye dzine umboo. Bhuku rinonzi A Lawyer Examines the Bible rinoti: “Dzimwe nyaya dzenhema uye ngano dzinotaurwa nevanhu kuti dzakaitika hadzitaurwi kuti dzakaitika kupi uye riini, asi Bhaibheri parinotaura nezveimwe nyaya, rinototaura musi wacho, uye kuti yakaitikira kupi.”

  • Atomu

    Rinotaura Chokwadi Panyaya Dzesainzi: Bhaibheri harisi bhuku resainzi asi parinotaura zvesainzi rinotaura chokwadi. Zvimwe zvinhu zvava kuzivikanwa nevesainzi iye zvino zvakanga zvava nemakore akawanda zvataurwa neBhaibheri. Semuenzaniso muchitsauko 13 ne14 chebhuku raRevhitiko mune mitemo yakapiwa vaIsraeri panyaya yeutsanana uye kuendesa vanhu vane zvirwere zvinotapuriranwa kure nevamwe. Bhaibheri rinotaurawo kuti nyika yakaita bhora uye iri mumhepo.​—Isaya 40:22; Jobho 26:7.

Iyi inongova mienzaniso mishoma inoratidza kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”​—2 Timoti 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe