RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 4 p. 3
  • Mubvunzo Wanetsa Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubvunzo Wanetsa Vanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Pashure Porufu—Vanhu Vanodavirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kune Upenyu Here Pashure Porufu?
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Tariro Iri Nani Yomweya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Murangariro Wako Womweya Unotapura Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 4 p. 3
Mukadzi ari kunyengetera aine rozari pamberi pemakenduru

Vanhu vezvitendero zvakawanda vanoti mweya wemunhu haufi

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOTI CHII CHINOITIKA KANA MUNHU AFA?

Mubvunzo Wanetsa Vanhu

VANHU vanotaura zvakasiyana-siyana panyaya yekuti chii chinoitika kana munhu afa. Vamwe vanoti kana munhu afa, anoramba achirarama ari kune imwe nzvimbo ava chimwe chisikwa. Vamwe vanoti anozoberekwazve otanga kurarama kune imwe nzvimbo. Asi vamwewo vanoti kana munhu afa zvatopera.

Zvimwe iwe une zvaunofungawo nezvenyaya iyi zvichibva pane zvawakadzidziswa uchiri mudiki kana kuti pane zvamunoita patsika dzenyu. Sezvo vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana, unofunga kuti pane angatiudza chokwadi nezvenyaya iyi here?

Vatungamiriri vezvitendero vava nemazana emakore vachidzidzisa vanhu kuti mweya wemunhu haufi. Vanhu vanopinda zvitendero zvakadai sechiKristu, chiHindu, chiJudha, chiMuslim, nezvimwewo vanoti nyama ndiyo inofa asi mweya unoramba uchirarama wava kune imwe nzvimbo. VaBuddha vanoti munhu anoramba achiberekwazve kuva chimwe chisikwa kusvikira azosvika pekuti anenge asingachatamburi. Kana asvika apa vanoti anenge ava muNirvana.

Vanhu vachiisira vakafa zvekudya

Dzidziso dzese idzi dziri kuita kuti vanhu pasi rese vafunge kuti munhu paanofa anobva atanga kurarama kune imwe nzvimbo. Vakawanda vanofunga kuti rufu inzira yekuti munhu awane humwe upenyu hwakanaka. Saka vanoona sekuti ndiwo marongero akagara atoitwa naMwari. Asi Bhaibheri rinoti kudii? Verenga nyaya inotevera unzwe. Zvarinotaura zvinogona kukushamisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe