Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwomuRaibhurari yeHoro yoUmambo
Mune humwe Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwekare, makataurwa kuti zvakanaka kuchengeta faira roUshumiri Hwedu hwoUmambo hwomwedzi nomwedzi muraibhurari yeHoro yoUmambo kuitira kuzotsvaka mashoko mahuri. Zvichakakodzera kuramba muine faira rakadaro muraibhurari yeHoro yoUmambo imwe neimwe rokuti vakuru nevaparidzi vashandise.
Vaine faira rakadaro, vaparidzi vangatarira mashoko akapfuura ane chokuita nemharidzo dzebasa romumunda, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kudzokerazve, nezvimwewo. Pfungwa dzakanaka dzokushandisa muushumiri dzinogona kuwanikwa. Nguva nenguva, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hutsva hunoti titarire mune humwe hwakabudiswa dzimwe hama dzisati dzava kusonganirana neungano. Vachangotanga kusonganirana neungano vangabatsirwa kana faira racho rikachengetwa. Rimwe remafaira anochengeterwa Nharireyomurindi ringashandiswa kuchengetera Ushumiri Hwedu hwoUmambo paHoro yoUmambo.
Vakuru vanofanira kuita kuti mutariri weChikoro kana kuti mushumiri anoshumira anokwanisa ave nechokwadi chokuti faira iri rinoramba richiwedzerwa Ushumiri hutsva mwedzi nomwedzi. Nepo mashoko ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo ari mazano kwete mitemo isingachinji, achiri mashoko akaisvonaka okushandisa anofanira kuva muraibhurari yeHoro yoUmambo yeungano imwe neimwe. Zvisinei, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwekare hahugoni kuodwa kuSosaiti.