Fundo Yomunhu Oga—Chinhu Cheitiro Hanya
1 Zvinhui zvinotiparira itiro hanya yakakomba? Tinofanira kuva vanoitira hanya zvikuru pamusoro pokuvaka nokuchengeta ukama hwapedyo naJehovha. Fundo yomunhu oga inoita rutivi rukuru mukukudziridza kuva pedyo kwakadaro. Nhasi, vashomanene vedu vane mamirire ezvinhu anobvumidza kupedza nhambo dzakareba dzenguva mukufungisisa nomufundo yomunhu oga. Bva, kana tisingaravi Shoko raMwari nguva dzose, tinogona kuva vakaneteswa kusvikira papfundo rokusava nesimba rokudzivisa mudzimu wenyika nezvishuvo zvawo zvenyama.
2 Umba Chishuvo cheShoko: Apo takatanga kudzidza pamusoro pezvinangwa zvaMwari, sezvingabvira takanga tichidisa kuwana zivo yakawanda. Munhambo yenguva yakati, zvisinei, nzara yedu yezvokudya zvomudzimu ingave yakaderera. Pangava nedikanwo yoku“umba chishuvo” chezvokudya zvomudzimu. (1 Pet. 2:2, NW) Tinogona sei kukudziridza chishuvo chakadaro?
3 Kunhuhwira kwezvokudya zvakanaka kuchanyandura nzara nemhaka yeyeuko dzinofadza. Nhambo pfupi dzefundo yomunhu oga dzinogona kutitapura munzira yakafanana nenzira yomudzimu. Kufarikanya misuva mishomanene inonaka yomudzimu kunganyandura chishuvo chedu chezvokwadi dzakadzama zvikuru. Gutsikano inouya nokudzidza ingatikurudzira kunzvera zvakadzama muShoko raJehovha.
4 Kudziridza Muitiro Unokushandira Zvakanakisisa: Vamwe vanotsaura manheru ose kuita fundo yomunhu oga, nepo vamwe vachida nhambo pfupi zvikuru nedzakawanda zvikuru dzefundo. Kana ukawana kuti unogona kupa ngwariro zviri nani zvikuru mumaawa amangwanani-ngwanani, ungasarudza kufunda usati wasvusvura. Kana uchiva akasvinura zvikuru mumanheru, ungasarudza kufunda usati warara usiku. Api kana api ari mamirire ezvinhu, chinhu chinokosha kuva wenguva dzose uye kuomerera kumuitiro wakakodzera zvakanakisisa kuzvinodikanwa zvako.
5 Apo tinokurudzirwa kuti tiite fundo yomunhu oga yakawanda, tingakurumidza kuonesa kuti tinotova norudungwe rwakazara. Zvisinei, tose zvedu tinofanira kuva vakatendeseka mukuyera nzira yatinoshandisa nayo nguva yedu. Maawa akawanda anopedzerwa mukutarira mapurogiramu eterevhizheni zuva rimwe nerimwe here? Tinodisa kurega zvinhu zvakati zvefariro yomunhu oga here? Kunzverwa kwapachokwadi kwenzira yatinoshandisa nayo nguva yedu sezvingabvira kucharatidza nhambo dzezuva nezuva dzingagona kushandiswa nenzira inobetsera zvikuru mufundo yomunhu oga.—VaEf. 5:15, 16.
6 Kufundwa kweShoko raMwari kwakafanirwa nengwariro yedu isina kukamurwa. Kuedza kuita chimwe chinhu panguva imwe cheteyo kunoita kuti betsero dzive shomanene. Kana tine chimiro chendangariro chokufunda apo tinenge tichidya, tichiteerera redhiyo, kana kuti tichitarira terevhizheni, sezvingabvira hatizonyura mune zvatiri kuedza kudzidza. (1 Tim. 4:15) Naizvozvo pane dikanwo yokubvisa zvinotsausa.—Ona Bhuku Rinotungamirira reChikoro, mapeji 33-4.
7 Fundo yezuva nezuva nokushandiswa kwezano reBhaibheri zvinokosha nemhaka yokuti ndiyo nzira yatinogamuchira nayo nhungamiro inobva kuna Jehovha. Kuite nharidzano yako kutora zvokwadi papeji yakatsikirirwa ndokuipinza mumwoyo mako. Shandisa mukana mumwe nomumwe, pasinei zvapo nokuti ungava mupfupi sei, kurava, kuhwirudzura, kana kuti kufungisisa pazvinhu zvomudzimu.—Dheut. 6:6-8; VaK. 1:9, 10.