RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJanuary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJanuary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJanuary 2
  • Vhiki Inotanga naJanuary 9
  • Vhiki Inotanga naJanuary 16
  • Vhiki Inotanga naJanuary 23
  • Vhiki Inotanga naJanuary 30
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 1/95 p. 2

Misangano Yebasa yaJanuary

Vhiki Inotanga naJanuary 2

Rwiyo 83

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: Sanogadzirira nokuda Kwoushumiri Hwomumunda. Hurukuro inokurukurwa nomukuru anobudirira muushumiri hwomumunda. Kurukura VaEfeso 6:18, 19, inoratidza kuti Pauro akakumbira hama kuti mano okutaura aizomupiwa. Tinofanira kunyengetera zvakafanana nokuda kwedu timene uye nokuda kwomumwe nomumwe. Kurukura dikanwo yokuronga nguva yegadziriro, zvose zviri zviviri savanhu vamwe navamwe uye semapoka emhuri. (1 VaK. 14:40) Vamwe vanova namarusando erovedzo navatsva. Shandisa bhuku raKurangarira mukukurukura sumo dzinokodzera ndima yomunzvimbomo uye nzira dzokubata nadzo vadzivisi vekurukurirano vanowanzonzwika. Kana iwe uri kuva nezvinetso muno rumwe rutivi rwoushumiri, ronga kushanda navaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira kana kuti mapiyona. Tose zvedu takabatikana asi kunyange maminiti mashomanene anopedzwa nenzira yokufungisisa achaguma nokuvandudzika kukuru. Kurudzira vose kusanogadzirira nokuda kwoushumiri hwavo kupera kuno kwevhiki.

10 min: “Zuva Chairo Ramagazini.” Kurukurirano ine upenyu.

15 min:“Kushandisa Zvakanaka Mabhuku Edu Ekare.” Kurukura navateereri. Ita kuti ungano izive kuti mabhuku api ekare anowanika; vakurudzire kutora makopi okushandisa muushumiri. Ronga muenzaniso mupfupi mumwe kana kuti miviri yemharidzo dzakakarakadzwa.

Rwiyo 188 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 9

Rwiyo 183

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Hwirudzura mativi anofadza ebhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1994, peji 7.) Kurudzira vose kutakura makopi uye kuagovera apo kunenge kwakakodzera.

15 min: “Kufudza Kunovaka.” Hurukuro inokurukurwa nomukuru yakavakirwa pamashoko ari pasi pomusoro muduku uri pamapeji 21-3 echinyorwa cheNharireyomurindi chaSeptember 15, 1993. Simbisa zano rapaMagwaro rinobetsera pakugonana nezvinetso.

15 min: Wakagadzirira Kunangana Nomugariro Wezvokurapa Unodenha Kutenda Here? Hurukuro yakakomba asi inonyandura inokurukurwa nomukuru anokwanisa kubetsera hama kunzwisisa ukoshi hunodzivirira hwekadhi reAdvance Medical Directive/Release neIdentity Card. Dzokorora purogiramu yaJanuary wapera kusimbisa kuti vose vanokwanirisa uye vanoda dziviriro iyoyi vanogona kuva nayo kupfurikidza nokuzadza makadhi acho. Nokuda kwoudzame ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1994, peji 2, pasi pepanoti “Vhiki Inotanga naJanuary 10.”

Rwiyo 198 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 16

Rwiyo 182

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukura mapfundo okutaura anobva mumagazini azvino uno. Kurudzira vose kugoverana mubasa romumunda kupera kuno kwevhiki.

18 min: “Ratidza Kurangarira Vamwe—Rutivi 1.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidza zviyeuchidzo pamusoro pedikanwo yokuti vakuru vanoshandira pamwe chete mukunzvera kuona kuti denga, pombi, michina yokudziyisa nokutonhodza mhepo, mbaura, magetsi, uye gadziriro dzokuchengetedza dzeHoro yoUmambo zvinochengetwa zviri mumugariro wokushanda zvakanaka.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1985, peji 4.

17 min: “Ratidza Kuti Unoitira Hanya kupfurikidza Nokuita Shanyo Dzedzokerero.” Vaparidzi vatatu kana kuti vana vanokurukura chinangwa noukoshi zvokuita shanyo dzedzokerero. Simbisai nharidzano yokutanga fundo. Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa. Ivai nomuenzaniso mumwe kana kuti miviri, boka racho richipa rumbidzo nezvikarakadzo zvokuvandudza.

Rwiyo 196 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 23

Rwiyo 161

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo, uye kwainoshanda, batanidza kurukurirano yendima isingawanzoshandwa. Kurudzira vaparidzi kuti vakurumidze kukumbira mugove. Kana pane vaparidzi vanoda kubatsira mundima yeungano dziri pedyo, mutariri wedunhu anofanira kuonanwa naye kupfurikidza neDare reBasa reUngano.

10 min: “Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari yoUbati Ushe hwaMwari.” Hurukuro yakavakirwa paNharireyomurindi yaNovember 1, 1994, mapeji 28-31.

15 min: “Fundo Yomunhu Oga—Chinhu Cheitiro Hanya.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidza tsinhiro dzakasarudzwa dzakavakirwa paNharireyomurindi yaDecember 1, 1985, mapeji 8-13.

Rwiyo 116 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 30

Rwiyo 141

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

20 min: “Zvakawanda Zvokuita Nguva Dzose.” Mibvunzo nemhinduro. Ronga bvunzurudzo pfupi mbiri kana kuti nhatu nevakabatikana, vakadai somukuru, mudzimai wapamba, kana kuti piyona; vakumbire kuti vatsanangure nzira yavanokwanisa kuchengeta nayo rudungwe rwakazara ndokungochengeta mufaro wavo.

20 min: Govera Bhuku raIwe Unogona Kurarama muna February. Tsanangura chikonzero nei pane dikanwo yokuti vanhu vave namashoko ari mubhuku irori. (Ona Nharireyomurindi, April 1, 1988, mapeji 25-6, ndima 17, 18.) Nokupfupikisa rondedzera zvakaitika zvinoratidza kuonga kwakaratidzirwa navanhu vapachokwadi vakarirava. (Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1989, peji 32, uye Nharireyomurindi yaDecember 1, 1991, peji 32.) Ipa zvikarakadzo zvakati zvinoratidza nzira yatingatanga nayo fundo dzeBhaibheri navanhu vanofarira vatakagovera bhuku raIwe Unogona Kurarama. Ita kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire nokupfupikisa mharidzo yechipiri pamusoro unoti “Upenyu/Mufaro” mubhuku raKurangarira, papeji 13. Kana kuti shandisa imwe mharidzo yakakodzera ndima yomunzvimbomo. Yeuchidza vateereri kutora makopi okushandisa mubasa vhiki ino.

Rwiyo 199 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe