Kuchengeterei Chinyorwa Chavasiri Pamisha?
1 Varoorani vari Zvapupu vakanga vari mubasa romumunda mukutanga kwezuva. Gare gare zuva rimwe chetero, ivo vakadzokera kunofukidza vasati vari pamisha vavo mundima iyoyo. Mumwe murume akavapinza ndokusanoteerera. Iye akatora bhuku raKurarama Nokusingaperi ndokubvunza kana Zvapupu zvaizodzoka. Iye akanga asati atongotaura neZvapupu zvaJehovha kare uye akanga aine mibvunzo yakawanda yaaida kuti ipindurwe; fundo yeBhaibheri yakatangwa. Ava varoorani vakafara zvikurusa kuwana uyu munhu akadaro akafanana negwai. Ungada kuva nechinoitika chakadaro here? Kuchengeta chinyorwa chakanaka chavasiri pamisha uye kudzokera nokukurumidza kungakuita kuti kukubvirire kuita kudaro.
2 Takakurudzirwa takurudzirwazve nguva nenguva kuchengeta chinyorwa chakarurama chavasiri pamisha uye kudzokerazve nokukurumidza. Sezvo chinoitika chiri pamusoro apa chinoratidza, imwe shanyo pazuva rimwe chetero ingaunza migumisiro yakaisvonaka. Nepo tingava vakatsunga kufukidza ndima yakagoverwa, zvichida hatisi kuva vanoshingaira zvakafanana mukuchengeta chinyorwa chaavo vasiri pamusha. Vamwe vanoti: ‘Tinoshanda ndima yedu vhiki mbiri kana kuti nhatu dziri dzose; hapana dikanwo yokuchengeta chinyorwa chakadaro nokuti tichadzoka nokukurumidza zvikuru zvisinei.’ Asi ikoku kunototipa chikonzero chikuru chokuchengeta chinyorwa. Uko kufukidzwa kwendima kunogaroitwa, kutevera vasiri pamisha kunotigonesa kuva vanosanoita zvikuru mukutsvaka vakafanirwa. Sei?
3 Munharaunda dzakawanda, 50 muzana kana kuti inopfuura yavagari vemo haisi pamusha mukati mezuva. Naizvozvo, chaizvoizvo, tinoita kuti ndima yakakura iwanikwe kupfurikidza nokunangidzira ngwariro kuvasiri pamisha vedu. Kunyange kana ndima isingagaroshandwi, tinogona kunatsa migumisiro apo nhamburiko inoitwa yokusvika munhu ari wose tisati taratidzira ndima seyakashandwa.
4 Kushanyira vasiri pamisha kungagona kurongwa kazhinji kazhinji nokuda kwerimwe zuva, zvichida mukati mevhiki. Vakawanda vanokuwana kuri nani kudzokera pazuva uye panguva yakasiyana neapo shanyo yokutanga yakaitwa. Ungasarudza kushandisa imwe nguva paChitanhatu kana kuti Svondo kutevera vasiri pamisha vakanyorwa mukati mevhiki. Ipapo zvakare, ungano dzakawanda dzinowana kuti kuita shanyo dzakadaro mumaawa okutanga kwamanheru kwakabudirira. Ivo vangawana inopfuura hafu yavagari iri pamusha.
5 Unogona kuronga shanyo dzedzokerero muzvinyorwa zvako zvomunhu oga. Kana usingakwanisi kudzokera uko kwakanga kusina munhu pamusha, chinyorwa chako chavasiri pamisha chinofanira kupiwa kuhama inotarisira boka, nokuda kwokushandiswa neboka rinotevera kupinda mundima iyoyo.
6 Kusanopa ngwariro kuurwu rutivi rwoushumiri hwedu kunogona kuwedzera kubudirira kwedu pamwe chete nomufaro wedu. Kunogona kutipa gutsikano inouya nokuziva kuti tinosanoita mukutsvaka uye kutarisira vakafanana namakwai.—Ezek. 34:11-14.