Isa Zvinhu Zvinokosha Zvikuru Pakutanga
1 Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokosha kana tichizobudirira mumudzimu? Chokwadi izvi zvingabatanidza fundo yemunhu oga, kupinda misangano, kupfuurira mukunyengetera, shamwari dzakanaka, uye ushumiri hwechiKristu. Hatigoni kuramba tine utano hwakanaka mumudzimu pasina kuchengeta zvinhu zvinokosha zviri pakutanga muupenyu hwedu.
2 Zvisinei, tose zvedu tinorwa nezvishuvo zvenyama uye tinoda chirango. (VaG. 5:17) Hatifaniri kumbofunga kuti kune zvakawanda zvinogona kuwanwa kupfurikidza nokuronda zvishuvo zvoudyire. (Jer. 17:9) Naizvozvo, kuti tichengetedze mwoyo wedu ndokudzivisa kutsauswa, kuzvinzvera nguva dzose kunokosha.—Zvir. 4:23; 2 VaK. 13:5.
3 Nzvera Mwoyo Wako: Unogona kuzviita kupfurikidza nokuzvibvunza mimwe mibvunzo yokutendeseka: Ndinoshuva kurava Shoko raMwari here? (1 Pet. 2:2) Ndinonzwisisa kukosha kwekupinda misangano yose yeungano here? (VaH. 10:24, 25) Ndinonyengetera nguva dzose here? (VaR. 12:12) Ndinotsvaka ushamwari hwevanhu vanofunga zvinhu zvomudzimu here? (VaR. 1:11, 12) Ndinonzwa mutoro wemunhu oga wekuzivisa mashoko akanaka here? (1 VaK. 9:16) Mhinduro dzechokwadi dzicharatidza kuti unoshuva kuisa zvinhu zvinokosha zvikuru pakutanga.
4 Nzvera Rudungwe Rwako Rwezuva Nezuva: Unofanira kuwedzera kunzvera zvishuvo zvemwoyo wako kupfurikidza nokugadza zvinofanira kutanga mukushandisa nguva. Izvi zvinobatanidza kuronga nguva yekurava Bhaibheri nguva dzose nezvinyorwa zvose zveNharireyomurindi neMukai!, mukuwedzera kukugadzirira misangano. Nguva inofanira kutsaurwawo yokuti mhuri iite zvose zviri zviviri kufunda nokunyengetera pamwe chete. Ganhurirai nguva inopedzerwa mukuona TV kana kuti kushandisa kombiyuta. Tsungai kupinda misangano yose yeungano, uye iisei pamberi pezvimwe zvinhu zvose. Rongai kuti mhuri yose igoverane mubasa remumunda vhiki imwe neimwe.
5 Pasina mubvunzo, kuisa zvinhu zvinokosha zvikuru pakutanga muupenyu hwedu kuchabvumikisa kuva kunoparira mufaro.