RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/97 pp. 5-6
  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 8/97 pp. 5-6

Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aMay 5 kusvikira kuna August 18, 1997. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.

[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]

Pindura kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Tsitsi dzaJesu, dzinoratidzwa pana Marko 1:41, dzinorondedzera zvinoorora kuitira vanhu hanya kwaJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 3/1 p. 5.]

2. Zvakazarurwa 7:16 inoratidzira kuti mitezo yeboka guru haisati ichizotambudzwa nenyika. [uw-CA p. 108 ndima 11]

3. Mubvunzo waJohane Mubhabhatidzi unowanwa pana Ruka 7:19 unoratidzira kuti akanga asina kutenda. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 8/1 p. 8.]

4. PaPaseka yaJesu yokupedzisira nevadzidzi vake, Petro bedzi ndiye akati kwaari: “Handingatongokurambiyi ini.” [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki]

5. Hakuna ufakazi hweBhaibheri hunoratidzira kuti muapostora Petro akanga ari murume akaroora. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki]

6. Umambo uhwo Jesu akaparidza nezvahwo huduku, kana kuti ndehwechipiri, kuuchangamire hwapose pose hwaMwari. [kl-CA p. 91 ndima 4]

7. Sezvinobvira Marko akanyorera vaJudha zvikurukuru Evhangeri yake. [w89-CA 10/15 p. 30]

8. Apo Jesu akaudza vaFarise kuti Umambo hwaMwari hwakanga huri pakati pavo, akanga achizvireva saMambo wemunguva yemberi. (Ruka 17:21) [kl-CA p. 91 ndima 6]

9. Hapana tsananguro ine mufungo yokuti nei bhuku raRuka rakapfuma pamashoko kupfuura dzimwe Evhangeri nhatu dzabatanidzwa. [w89-CA 11/15 p. 24]

10. Hamuna nongedzero muBhaibheri dzemavara ayo boka guru rinofanira kuratidzira kuti ripukunyuke Armagedhoni. [uw-CA p. 105 ndima 5]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Rugwaro rupi rwawaizoshandisa kubvumikisa kuti avo vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga vachapiwa miviri yemudzimu? [kl-CA p. 88 ndima 19]

12. Chii chinodzivisa vamwe vanhu kugamuchira zano? (uw-CA p. 127 ndima 4)

13. Chimiroi chendangariro chisina kururama chakaratidzirwa naMambo Sauro chatinofanira kudzivisa patinenge tichipiwa zano? (1 Sam. 15:20-26) [uw-CA p. 126 ndima 3]

14. Jesu airevei apo akati: “Ivai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.”? (Marko 9:50) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 11/1 p. 24 ndima 12.]

15. Chidzidzoi chinokosha chatingadzidza mune zvakaitwa naJesu paakaona mupiro wechirikadzi yaiva murombo? (Marko 12:42-44) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 12/1 p. 29 ndima 7–p. 30 ndima 1.]

16. Chimiroi chendangariro chakaipa pamusoro paJehovha nemirayiro yake icho Dhiyabhorosi angagona kuedza kudyara matiri sezvaakaita kuna Evha? [kl-CA p. 59 ndima 17]

17. Apo tinoenzanisa Mateo 6:9, 10 naRuka 11:2-4, nei tingagumisa kuti munyengetero womuenzaniso hauna kuitirwa kuti udzokororwe shoko neshoko? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 5/15 p. 16 ndima 6.]

18. Sezvo mudzidzi Ruka akava mutendi pashure porufu rwaJesu, mashoko aakanyora muEvhangeri yake akaawanepi? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 11/15 p. 24.]

19. Maererano naZvakazarurwa 7:14, kana munhu akasuka nguo dzake muropa regwayana zvinoguma nei? [uw-CA p. 106 ndima 6-7]

20. Sezvo tichiziva kuti Jesu haana kutongoshayiwa kutenda muna Mwari, nei akachema achiti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” (Marko 15:34) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87 6/15 p. 31.]

Govera (ma)shoko kana kuti chikamu chemashoko chinodiwa kuzadzisa kutaura kumwe nokumwe kunotevera:

21. Chingwa newaini zvinoshandiswa pakuchengeta Chirangaridzo zvinongovawo hazvo ․․․․․․․․, chingwa chichimirira ․․․․․․․․ uye waini ichimirira ․․․․․․․․ rake ․․․․․․․․. [uw-CA p. 115 ndima 13]

22. Apo tinorangarira zvakaitika chaizvoizvo, zvinoratidzika kuva zviri pachena kuti kokero yokumatenga yose zvayo yakapedzwa munenge mugore ra ․․․․․․․․, apo tariro yepasi ye ․․․․․․․․ yakanzwisiswa zvakajeka. [uw-CA p. 112 ndima 6]

23. Apo Johane Mubhabhatidzi akavamba kuparidza, gavhuna weJudhea akanga ari ․․․․․․․․ uye mutongi weGarirea akanga ari ․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona Ruka 3:1.]

24. Mudzimu unopupurirana nesimba rinokuchidzira ndangariro nemwoyo zveavo vari vanakomana vaMwari zvirokwazvo i․․․․․․․․. [uw-CA p. 113 ndima 9]

25. Sezvinoratidzirwa pana Ruka 10:16, apo tinogamuchira nenzira yokuonga gadziriro dzomudzimu dzinouya noku ․․․․․․․․ neMutumbi Unodzora waro, tiri kuratidzira kuremekedza ․․․․․․․․. [uw-CA p. 123 ndima 13]

Sarudza mhinduro yakarurama mukutaura kumwe nokumwe kunotevera:

26. Vatsvene vanorehwa pana Mateo 27:52 (vakambomutswa munyama kwechinguvana; vakanga vari chaizvoizvo miviri isina upenyu yakakandirwa kunze kwehwiro hwayo nekudengenyeka kwepasi; vakamutsirwa kuupenyu hwokudenga Jesu asati amutswa). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 9/1 p. 7.]

27. Parufu rwaJesu, akapedza (mazuva matatu akazara; mazuva matatu nehafu; mativi emazuva matatu) ari muhwiro. [kl-CA p. 68 ndima 15]

28. Kugadzwa kwe“muranda wakatendeka, wakangwara” kwakasimbiswa nemudzimu mutsvene mugore ra(33 C.E.; 1918; 1919). (Mat. 24:45) [uw-CA p. 119 ndima 6]

29. Mutemo unofanira kuteverwa nevaKristu vose, asi zvikurukuru neavo vari munzvimbo dzokutarisira musangano raMwari, ndewokuti: “Nokuti (anodada; anokosha; muduku) kwamuri mose, ndiye mukuru.” (Ruka 9:48) [uw-CA p. 122 ndima 12]

30. Sezvakanyorwa muna (Pisarema 110:1; VaKorose 1:13: Pisarema 2:7), Jesu haana kuvamba kutonga nokukurumidza pashure pokukwira kwake kudenga. [kl-CA p. 96 ndima 15]

Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:

Zvir. 4:13; Dhan. 7:9, 10, 13, 14; Marko 7:20-23; 13:10; Ruka 8:31

31. Tinofanira kuva vakasvinurira kuziva pesvedzero ipi neipi isiri youmwari kana kuti inoshatisa ingauya mundangariro dzedu nemwoyo uye tinofanira kuibvisa isati yadzika midzi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 11/1 p. 14 ndima 16.]

32. Madhemoni achakumbanira Satani mukusaita basa kunenge kufa mukati me“makore ane gumi ramazana.” (Zvak. 20:3) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki]

33. Chimiro chendangariro chekurumidziro chinodikanwa kuitira kuti basa rokupupura renyika yose ripedzwe munguva yakaganhurirwa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 10/1 p. 27.]

34. Kugamuchira zano kunogona kudzivirira munhu pakutaura nokuita zvinhu zvingagona kuparira kuzvidemba. [uw-CA p. 128 ndima 6]

35. Kunyange zvazvo tisingagoni kuona zvisikwa zvomudzimu, Shoko raJehovha rinotipa zviratidzo zvesangano rake rokudenga risingaoneki nemimwe yemibato yaro inotapura vanamati vake vari pasi pano. [uw-CA p. 117 ndima 1]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe