Nzira Yokuvabatsira Nayo
VaKristu vechokwadi vanoitawo ushumiri hwepachena hwokuparadzira mashoko akanaka. (VaF. 2:17) Kuti vaite izvozvo, mamwe mabhurocha anogara achishandiswa, maturakiti, uye dzimwe nyaya dziri mumitauro inosvika 20 zvave zviri paIndaneti pakero inoti www.watchtower.org. Nzvimbo yokubudisira mashoko iyi haina kugadzirirwa kubudisira Zvapupu zvaJehovha mabhuku emazuva ano. Chinangwa chayo ndechokuita kuti voruzhinji vawane mashoko akarurama pamusoro pezvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha kubva muBhaibheri.
Munguva pfupi yapfuura, takawedzera zvatinobudisa paNzvimbo yedu yokubudisira mashoko. Takawedzera bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? mumitauro inodarika 220. Uyezve, kutanga nemagazini yaJanuary 1 neyaJanuary 8, 2004, Nharireyomurindi neMukai! mumitauro yose zvakatanga kuratidza kero yeNzvimbo yedu papeji yokupedzisira.
Ungashandisa sei chishandiso ichi? Zvichida ungasangana nomunhu anoita seanofarira asi achingonzwisisa bedzi mumwe mutauro. Kana achigona kuwana Indaneti, unogona kumuratidza kero iri papeji yokupedzisira yeNharireyomurindi kana kuti yeMukai! Nenzira iyoyo angakwanisa kuongorora bhurocha raAnodei mumutauro wake kusvikira wava kukwanisa kudzokera nemabhuku omumutauro wake. Kana kuti ungaudza ungano kana boka rinotarisira mutauro wake nezvake.