Fanoronga!
1 Sangano raJehovha rinopa chirongwa chenguva dzose chemabasa oubati ushe hwaMwari akagadzirirwa kutipa zvinhu zvose zvomudzimu zvatinoda. Kuonga kunotiita kuti tishandise zvakakwana zvinhu zvose zvakarongwa, zvakadai sekushanya kwomutariri anofambira, magungano nekokorodzano, nemamwe mabasa anokosha anorongwa muungano. (Mat. 5:3) Zvisinei, vamwe vanotadza kubatsirwa nedzakawanda dzegadziriro dzomudzimu idzi pamusana pezvimwe zvinhu zvavanenge vakaronga. Chii chingaitwa kuti tidzivise izvi? Tingava sei nechokwadi chokuti zvinhu zvisiri zvoubati ushe hwaMwari hazvishayisi nzvimbo “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe”?—VaF. 1:10, NW.
2 Kuronga Nokungwarira Kunokosha: Zvirevo 21:5, (NW), inopa zano rokuti: “Zvinorongwa neanoshingaira chokwadi zvinoita kuti abudirire, asi munhu wose anokurumidza chokwadi ari kuda kushayiwa.” Kuti ti“budirire” mumudzimu, tinofanira kufanoronga tichishingaira, tichiramba tichifunga nezvemabasa oubati ushe hwaMwari akarongwa. Tinofanira kuronga mabasa edu omunhu oga panguva paasingazovhiringidzani nokuvapo kwedu kuti tikohwe zvikomborero zvomudzimu. Kana tikakurumidza kuronga kuita zvinhu zvatinoda pachedu, tisingafungi nezvezviitiko zvoubati ushe hwaMwari zviri kuuya, zvingangodaro kuti ticha“shayiwa” mumudzimu.
3 Usarasikirwa! Tose zvedu tinoronga zvemunguva iri mberi, kubatanidza mazororo, nzendo dzebhizimisi, kushanyira hama, zvichingodaro. Usati wazvibatikanisa kana kuti kupedzisa zvauri kuronga, chimbotarira purogiramu yemabasa omudzimu ari kuuya. Kana ukaona kuti mutariri wedunhu ari kuuya kana kuti gungano rakarongwa panguva yaungangove usipo, ita zvaunogona zvapachokwadi kuti uronge patsva zvinhu zvako kuitira kuti upindewo. Tinotaurirwa pachine nguva yakawanda mberi nezvezviitiko zvikuru zvakarongerwa nguva iri mberi. Vakuru vari muungano yako vachakuudza zvakarongwa muungano yenyu.
4 Nokuratidza kufanoona zviri mberi nokufanorongera zvinhu zvinokosha zvikuru, ticha‘zara nechibereko chokururama, . . . kuti Mwari ave nokubwinya nokurumbidzwa.’—VaF. 1:11.