Bhokisi Remibvunzo
◼ Kushandisa indaneti kukurukurirana nomunhu watisingazivi kune ngozi dzipi?
Nzvimbo dzinobudisa mashoko dzakawanda dzakagadzirirwa kuti vanhu vakurukurirane vachishandisa indaneti. Panzvimbo dzakawanda idzi munhu anokwanisa kunyora uye kutumira mashoko pamusoro poupenyu hwake, izvi zvinogona kusanganisira kutumira mifananidzo yake. Vanhu vachaona mashoko acho vanogona kuzonyorerana naye. Nzvimbo dzinobudisa mashoko dzakadaro dziri kushandiswa zvikuru nevechiduku, uye vamwe vechiduku vari muungano vari kudzishandisa vachikurukurirana nevanhu vanozviti Zvapupu zvaJehovha.
Zviri nyore kuti munhu watazivana naye paindaneti avanze zvaari, ukama hwake naJehovha, kana kuti zvaari kuvavarira. (Pis. 26:4) Munhu anenge achizviti Chapupu chaJehovha anogona kunge asiri chapupu, ari munhu akadzingwa kana kuti akaramba kutenda ari kuda kutsausa vamwe vaKristu. (VaG. 2:4) Zvinoshumwa kuti kunyange vanoshinha nevana vanoshandisawo nzvimbo idzi dzinobudisa mashoko kuti vavhime vokushinha navo.
Kunyange zvazvo tikava nechokwadi chokuti vatiri kunyorerana navo vane unhu hwakanaka muungano, zviri nyore kutsaukira kuzvinhu zvakaipa nokukurukurirana kwakadaro. Izvi zvinokonzerwa nokuti vanhu havawanzonyara munhu wavasati vamboonana naye. Vanogona kuona sokuti kukurukurirana kwakadaro ndokwepachivande uye vanogona kuona sokuti zvose zvavanotaura hazvizombozivikanwi nevabereki vavo kana vakuru. Zvinosuruvarisa kuti vaduku vanobva mumhuri dzechiKristu vakabatwa nomusungo wacho uye vakatobatanidzwa pakutaura zvinonyadzisira. (VaEf. 5:3, 4; VaK. 3:8) Vamwe vakatumira mifananidzo yavo inokwezvera kune zvepabonde, mazita emadunhurirwa anonyadzisa, kana kuti kutumira nekombiyuta mimhanzi yemavhidhiyo ezvepabonde.
Tichifunga zvataurwa pamusoro apa, vabereki vanofanira kunyatsoongorora kuti vana vavo vanoshandisa sei kombiyuta. (Zvir. 29:15) Zvingava nengozi kukoka munhu watisingazivi kumba kwedu kana kuti kumusiya oga nevana vedu. Saizvozvowo, isu nevana vedu tinenge tichizvipinza mumuromo meshumba kana tikashamwaridzana nevanhu vatisingazivi paindaneti, kunyange vaya vanozviti Zvapupu zvaJehovha.—Zvir. 22:3.