“Shoko Rinotaurwa Nenguva Yakafanira”
1 Kukurukura shoko roupenyu navamwe kunokunetsa here? Unofunga kuti unofanira kutaura chimwe chinhu chikuru kuti ufadze vateereri vako here? Jesu paakatuma vadzidzi vake, akavaudza kuti: “Zvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:7) Shoko racho rakanga risina kuoma uye riri nyore kukurukura. Hazvina kusiyana nanhasi.
2 Kazhinji mashoko mashomanana chete ndiwo anodiwa kutanga kukurukurirana. Firipi paakaona mukuru mukuru wechiEtiopiya, akamubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kurava here?” (Mab. 8:30) Kukurukurirana kune mubayiro kwakadini kwakavapo nemhaka ye“shoko r[aka]taurwa nenguva yakafanira”!—Zvir. 25:11.
3 Unogona kushandisa mutoo wakadaro muushumiri hwako. Sei? Nokuva anocherechedza uye anosarudza mashoko akakodzera mamiriro acho ezvinhu. Bvunza mubvunzo, uye teerera mhinduro yacho.
4 Mibvunzo Inokosha: Kuti utange kukurukurirana, ungaedza chero upi wemibvunzo iyi:
◼ “Munoshandisa Munyengetero waShe here (kana kuti, Baba Vedu) mukunamata kwamunoita?” (Mat. 6:9, 10) Taura nomusoro chikamu, wobva wati: “Vamwe vanhu vanobvunza kuti, ‘Zita raMwari ndiani rakanzi naJesu rinofanira kutsveneswa (kana kuti, kukudzwa)?’ Vamwe vanobvunza kuti, ‘Chii chiri Umambo hwatakanzi naJesu tinofanira kunyengeterera?’ Makawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi here?”
◼ “Makamboshamisika here kuti: ‘Upenyu hunorevei?’” Ratidza kuti hune chokuita nokuziva Mwari.—Mup. 12:13; Joh. 17:3.
◼ “Munofunga kuti rufu ruchazombobviswa here?” Shandisa Isaya 25:8 naZvakazarurwa 21:4 kupa mhinduro yakavimbika.
◼ “Pane mhinduro iri nyore here yokusagadzikana kuri munyika?” Ratidza kuti Mwari anodzidzisa kuti i“da muvakidzani wako.”—Mat. 22:39.
◼ “Njodzi yapasi pose ichaparadza pasi redu pane imwe nguva iri mberi here?” Mutaurirewo chipikirwa cheBhaibheri chokuti pasi richagara riripo nokusingaperi.—Pis. 104:5.
5 Ipa mashoko akanaka zviri nyore, zvakananga uye nomutsa. Jehovha achakomborera kuedza kwaunoita kukurukura navamwe kunyange “shoko” rimwe rechokwadi.