“Ndinomira Ndakasimba! Ndinomira Ndakasimba! Ndinomira Ndakasimba!”
1 Mashoko iwayo omumwe muKristu akatendeka uyo akapona paKuparadzwa Kukuru kwevaJudha kwakaitwa muGermany anodzokorora chisarudzo chezviuru zveZvapupu—zvipenyu nezvakafa—zvakanga zvakatsunga muzvitendero zvazvo pasinei noutsinye hweNazi. (VaE. 6:11, 13) Nyaya yazvo inofadza yokushinga nokukunda inotaurwa muvhidhiyo inoita kuti unzwe manyuku-nyuku inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault. Vose vari muungano vanokurudzirwa kuiona ndokutaura nevamwe zvavanenge vadzidza uye manzwiro avo.
2 Mibvunzo iyi ngaiite kuti ufunge: (1) Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza kusatya kupesana neNazi nokuda kwezvikonzeroi? (2a) Maoneroi akasiyana akavapo panyaya yokukwazisa kwokurumbidza Hitler, uye nei? (2b) Mhuri dzeZvapupu dzakatambura sei neizvi? (3) Zvapupu zvingani zvakatumirwa kumisasa yevasungwa, zvakazivikanwa sei ikoko, uye Gestapo yakazvibata sei? (4) Hama dzedu dzakanga dzisingadi kuitei kuti dziwane rusununguko? (5a) Zvapupu zvaJehovha zvakataura sei uye rini nezvoutsinye hwokutonga kwaHitler? (5b) Hitler akaita sei? (6) Kubatana kwevanhu vaJehovha kwakaponesa sei upenyu hwavo uye vamwe, panyama nomumudzimu? (7) Rwiyo rwoUmambo rupi rwakanyorerwa mumusasa wevasungwa? (8) Mienzanisoi yevarume vakatendeka, vakadzi uye pwere inokukurudzira kuramba wakatendeka kuna Jehovha, kunyange zvodini? (Onawo 1999 Yearbook, mapeji 144-7.) (9) Somumwe weZvapupu zvaJehovha, vhidhiyo iyi inokuita kuti unzwe sei nezvokusava wenyika?
3 Muenzaniso wakanaka weZvapupu zvaJehovha unobudiswa muvhidhiyo inonzi Stand Firm ungabatsira vechiduku, kunyange vaya vasiri Zvapupu, kutarisana nenhau dzinokosha dzakadai sokusada zvinodiwa nevamwe, kuda kufanana nevezera ravo, uye hana. Kana uri pwere iri kupurayimari kana kuti kusekondari, ungapa vadzidzisi vako mukana wokushandisa vhidhiyo iyi mukirasi here? Zvimwe ungavapa vhidhiyo yacho woitsanangura sekachidimbu kenhau yakaitika kare kana kuti sepurogiramu ine chidzidzo chetsika.
4 Vhidhiyo inonzi Stand Firm chishandiso chakaisvonaka chokuratidza kuti kudzidzisa kwaMwari kunotipa sei simba romudzimu kuti tifadze Mwari nokuramba takasimba pakuita zvakanaka. (1 VaK. 16:13) Ione navose vanofarira chokwadi.