RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/02 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 4/02 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Apr. 15

“Vanhu vanofarira kuchengeteka, zvakadai sokuwana basa rakanaka ndokurichengetedza, pasinei nokuti vanogara kupi. Asi makambofunga here kuti kune kuchengeteka kwechigarire, kunoita kuti mukwanise kuchengeteka nokusingaperi? [Verenga Pisarema 16:8, 9.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inonyatsotaura kuti kuchengeteka kwechokwadi kungawanikwa kupi.”

Nharireyomurindi May 1

“Munoziva mumwe munhu anorwara zvikuru kana kuti anotambura nemhaka yokuremara here? Pasina mubvunzo munobvuma kuti vakadaro vanoda kukurudzirwa. Asi tingataurei zvingavakurudzira? Bhaibheri rinopa mashoko etariro. [Verenga Isaya 35:5, 6.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotsanangura chikonzero nei tingava nechokwadi chokuti uprofita uhwu huchava hwechokwadi.”

Mukai! May 8

“Nhasi vanhu vakawanda vari kusiya machechi vachinonamata Mwari maererano nezvavanoda pachavo. Munofungei nemaitiro iwayo? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza kuti manamatiro atinoita Mwari anokosha chaizvo kwaari. [Verenga Johani 4:24.] Magazini iyi yeMukai! inotiudza nezvenzira yakanakisisa yokunamata nayo zvinotigutsa.”

Mukai! May 8

“Gore rapera iri, rugare rwakavhiringidzwa zvisina kumboitika kare. Munofunga kuti hurumende dzevanhu dzine simba rokuita kuti nyika ive norugare here? [Apindura, verenga Isaya 2:4.] Magazini iyi yeMukai! inoratidza chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chokuti rugare rwenyika ruchava rwechokwadi munguva pfupi iri kutevera.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe