Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Apr. 1
“Indima shomanana dziri muBhaibheri dzakamutsa kufungidzira kukuru sezvinoita rondedzero inoshamisa yechiratidzo chechikara. Makambonzwa nezvayo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 13:16-18.] Bhaibheri pacharo rinopa mhinduro yokuwana zvinorehwa nezvakavanzika izvi. Magazini iyi inotsanangura kuti zvinorevei.”
Mukai! Apr. 8
“Vanhu vazhinji vakajairana nenyaya youpenyu hwaMosesi. Asi maimboziva here kuti Mosesi akataura chimwe chinhu chine chokuita noupenyu hwedu nhasi? [Rega apindure. Zvadaro verenga Dheuteronomio 18:15.] Magazini iyi yeMukai! inotaura kuti muprofita akafanotaurwa iyeye ndiani uye kuti achaitirei vanhu kuti vabatsirwe.”
Nharireyomurindi Apr. 15
“Vamwe vanhu vanofunga kuti zvinhu zvose zvinoitika muupenyu, kusanganisira njodzi, kuda kwaMwari. Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure.] Vanhu vakawanda vanoziva munyengetero uyu. [Verenga Mateu 6:10b.] Chii chiri kuda kwaMwari pasi pano, uye kuchanyatsoitwa rini? Magazini iyi inopa mhinduro yeBhaibheri.”
Mukai! May 8
“Munyika yanhasi, vamwe vanhu vanonzwa vasina tariro. Munombonzwa saizvozvo pane dzimwe nguva here? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaRoma 15:4.] Vanhu vakawanda vanoziva kuti zvinokosha kuva netariro. Muchanakidzwa nokuverenga zvikonzero zvinomwe zvomuMagwaro zvinopa tariro zviri mumagazini iyi yeMukai!”