Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Apr. 15
“Anenge munhu wose anobvuma kuti chimwe chezvinhu zvinokosha kuti mhuri ifare kukurukurirana kwakanaka, asi vanhu vakawanda vanoona zvakaoma kuti vakurukurirane zvakanaka. Munofunga kuti nei zvakadaro? [Rega apindure.] Magazini ino inopa mazano okuti munhu ave nounyanzvi hwokukurukurirana.” Verenga Jakobho 1:19.
Awake! Apr.
Vanhu vakawanda vanoti muchinjikwa unovabatsira kuti vanzwe vari pedyo naMwari. Zvisinei, vamwe vanobvunza kuti: Zvakakodzera here kunamata chinhu chakashandiswa pakuuraya Jesu? Jesu akafira pamuchinjikwa chaizvoizvo here? Nyaya inotangira papeji 12 inopindura mibvunzo iyi maererano nezvinotaura Bhaibheri.” Verenga Mabasa 5:30.
Nharireyomurindi May 1
“Mamiriyoni evanhu munyika yose ari kutambura nemigumisiro inorwadza yourombo. Munofunga kuti chii chingaitwa kuti vabatsirwe? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Petro 2:21.] Magazini ino inotsanangura kuti tinogona sei kutevedzera muenzaniso waJesu wokuva nehanya nevarombo.”
Awake! May
“Makambofunga here kuti nei tichikwegura? [Rega apindure.] Zvinotsanangura Bhaibheri pamusoro pokuti nei tichikwegura zvinoratidza nzira iyo Mwari akaita kuti zvibvire kuti tive noupenyu husingaperi. [Verenga Isaya 25:8.] Magazini ino yeAwake! inotaura dzimwe pfungwa dzemazuva ano pamusoro pokukwegura.”