Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Mar. 15
“Vakawanda vedu takambosuruvara pamusana pokufirwa nomunhu watinoda. Munoziva nezvechipikirwa ichi chinonyaradza here? [Verenga Mabasa 24:15. Zvadaro rega apindure.] Zvisinei, vakawanda vanoshamisika kuti, Ndivanaani vachamutswa? Zvichaitika rini? Zvichaitikira kupi? Magazini ino inopa mhinduro dzemibvunzo iyoyo dzinobva muBhaibheri.”
Awake! Mar.
“Vanhu vakawanda vanoti Jesu ndiMwari. Zvinofadza kuti Petro mudzidzi waJesu akataura nezvake soMwanakomana waMwari. [Verenga Mateu 16:16.] Munofunga kuti zvinobvira here kuti Jesu ave zvose Mwari uye Mwanakomana waMwari? [Rega apindure.] Pano pamapeji 12-13 pane nyaya inopindura mubvunzo uyu, ichipa pfungwa dzinobva muBhaibheri.”
Nharireyomurindi Apr. 1
“Mashoko aya anozivikanwa zvikuru anoratidza kukosha kwokuramba tichiwana zivo pamusoro paMwari. [Verenga Mateu 4:4.] Zvisinei, vanhu vakawanda vanoona zvakaoma kunzwisisa Shoko raMwari. Nemiwo munozviona zvakaoma here? [Rega apindure.] Magazini ino inopa mazano anoshanda angakubatsirai kunzwisisa Bhaibheri.”
Awake! Apr.
“Vanhu vakawanda vanoedza kuti vawane mufaro, asi zvinoita sokuti vashoma vanouwana. Munofunga kuti zvimwe zvezvinhu zvakanyorwa pano zvingabatsira vanhu kuti vawedzere kufara muupenyu hwavo here? [Muratidze bhokisi riri papeji 9. Zvadaro verenga rumwe rwemagwaro aripo.] Awake! ino inotaura zvinotaura Bhaibheri kuti munhu awane mufaro wechokwadi.”