Kukurudzirana Kunokosha
1 Zuva nezuva vanhu vaJehovha vanotarisana nemiedzo yokutenda kwavo. Achiziva kuti ane nguva pfupi, Dhiyabhorosi ari kurwisa kokupedzisira kuti aputse kutendeka kwedu kuna Jehovha. (Zvak. 12:12) Zvinokosha kuti ‘tirambe tichiwana simba munaShe nomuukuru hwesimba rake’ kuitira kuti ‘tikwanise kudzivisa pazuva rakaipa uye, kumira takasimba pashure pokunge taita zvinhu zvose kwazvo.’—VaEf. 6:10, 13.
2 Kuungana nevatinonamata navo urongwa hwaJehovha hwokutibatsira kuti tiwane simba. Muapostora Pauro akanzwisisa izvi. Aishuva kuva pamwe chete nehama dzake dzechiKristu kuti ‘vagosimbiswa.’ (VaR. 1:11, 12) Dare Rinodzora rakaronga nenzira yorudo kutipa mukana wokuti tibatsirwe uye tikurudzirane paKokorodzano Yoruwa iri kuuya ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira,” kuti tisimbiswe pakuita kuda kwaMwari.
3 Ivapo Kuti Ubatsirwe: Vavarira kuvapo mazuva ose matatu. ‘Tinobatsirwa’ nokusvika rwiyo rwokutanga rusati rwaimbwa uye kuramba tiripo kusvikira tati “Ameni” nomwoyo wose pamunyengetero wokugumisa. (Isa. 48:17, 18) Vakawanda vachada kufanoronga zvakanaka purogiramu yavo yebasa kuitira kuti vave nenguva yokupinda mazuva ose matatu. Chokwadi, pamwe zvingasava nyore kuita kuti waunoshandira akupe nguva yokusava pabasa, asi tinovimba kuti Jehovha achatibatsira kuita kuda kwake. (1 Joh. 5:14, 15) Kana tisati tatoita izvozvo, zvino ndiyo nguva yokuita zvirongwa chaizvo zvechokufambisa nepokugara, kwete kutarisira kuti zvose zvichaerekana zvaitika. Tinogona kuvimba kuti Jehovha achakomborera kuedza kwatinoita kupinda mazuva ose matatu.—Zvir. 10:22.
4 Tarisira Kukurudzirwa: Wakambobva pakokorodzano yoruwa, uchiti: “Iyi ndiyo yakanakisisa yandati ndambopinda!” here? Nei ungava wakafunga saizvozvo? Imhaka yokuti sevanhu vasina kukwana tinogona kuneta zvishoma nezvishoma, tozviwana tichida kukurudzirwa mumudzimu. (Isa. 40:30) Imwe hanzvadzi yakati: “Nyika ino inondinetesa, uye kokorodzano inomutsiridzazve maonero andinoita zvinhu zvomudzimu, ichindipa simba romudzimu randinoda. Zvinoita sokuti kurudziro yacho inouya panguva chaiyo yandinoida zvikuru.” Zvimwe wakambonzwa saizvozvo.
5 Tinowana kurudziro yatinoda kwete bedzi nehurukuro uye kubvunzurudzwa asiwo kuburikidza nezvimwe zvinhu zvinosimbisa mumudzimu zvatinowana pakokorodzano dzedu. Imwe hama yakati: “Zviri pachena kuti uku kushandiswa kwechokwadi chinokosha cheBhaibheri kwandinofarira chaizvo. Chokwadi, mitambo inokosha zvikuru kutiratidza kubatsirwa kwatingaitwa nemienzaniso yekare, yakanaka neyakaipa. Ndinogarotarisira mabhuku anobudiswa, uye ndinoramba ndichinakidzwa nawo kwenguva yakareba ndadzokera kumba.”
6 Kokorodzano urongwa hunokosha hunobva kuna Jehovha mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Dzinotibatsira kuteerera zano rakafuridzirwa rinoti: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda, pfuurirai sevarume, ivai nesimba.” (1 VaK. 16:13) Naizvozvo, ngatitsungei kupinda purogiramu yose tobva takurudzirana zvikuru paKokorodzano yedu Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira”!
[Bhokisi riri papeji 3]
Ronga Kupinda Mazuva Ose Matatu
■ Kumbira nguva yokusava pabasa.
■ Tsvaka pokugara muguta rinoitirwa kokorodzano.
■ Tsvaka chokufambisa kuenda kukokorodzano.