Rega Kutevera Zvinhu “Zvisina Maturo”
1 Imwe nzira yakakurumbira yokukurukurirana nayo mazuva ano itsamba inotumirwa nekombiyuta. Kunyange zvazvo zvingava zvakakodzera kuti mhuri neshamwari dzitaurirane zvakaitika kwadziri uye zvadzinofunga dzichishandisa nzira idzi, ndezvipi “zvisina maturo” zvinogona kubatanidzwa nokushandisa tsamba inotumirwa nekombiyuta kusingadzorwi?—Zvir. 12:11.
2 Zvokungwarira Nezvetsamba Inotumirwa Nekombiyuta: Vamwe vanofunga kuti vanogona kuramba vari pedyo nesangano raJehovha pavanogamuchira mashoko avanoti achangoburwa anouya netsamba inotumirwa nekombiyuta. Izvi zvingasanganisira zvakaitika, mashoko ane chokuita nezvinoitika paBheteri, mishumo yenjodzi kana kuti chitambudzo, uye kunyange mashoko akavanzika anobudiswa kuZvikoro zvoUshumiri hwoUmambo. Vamwe vanoita sevanonyanya kuda kutumira mashoko akadaro, vachida kuva vokutanga kuzivisa mashoko acho kushamwari dzavo.
3 Pane dzimwe nguva, mashoko uye zvakaitika zvakachinjwa kana kuwedzeredzwa. Kana kuti zvichida vachiedza kutaura zvinonakidza, vamwe vakapa pfungwa dzenhema. Vaya vanokurumidza kubudisa nhau dzakadaro kazhinji vanenge vasina chokwadi chacho chose. (Zvir. 29:20) Mune zvimwe zviitiko, kunyange kana nyaya yacho isingadaviriki, inopfuudzwa kune vamwe sekanyaya kanonakidza. Mishumo yakadaro isina kururama kana kuti inotsausa yakafanana ne“ngano dzinoshatisa,” dzisingatsigiri kuzvipira kuna Mwari kwechokwadi.—1 Tim. 4:6, 7.
4 Kana ukatumira mashoko asina kururama, unova nomutoro wakati wokukonzera kwaanoita kusuruvara kana kuti kuvhiringidzika. Dhavhidhi paakagamuchira mushumo wakawedzeredzwa wokuti vanakomana vake vose vakanga vaurayiwa, aka“bvarura nguo dzake” kuratidza kushushikana. Zvisinei, chokwadi ndechokuti mumwe chete wevanakomana vake ndiye akanga afa. Izvozvo zvairwadza, asi kuwedzeredza mashoko uku kwakaita kuti Dhavhidhi awedzere kurwadziwa. (2 Sam. 13:30-33) Chokwadi hatingadi kuita chimwe chinhu chingatsausa kana kuodza mwoyo woupi noupi wehama dzedu.
5 Nzira yaMwari Yakagadzwa: Ziva kuti Baba vedu vari kudenga vane nzira yokukurukurirana yakagadzwa, “muranda akatendeka, akangwara.” “Muranda” iyeye ane mutoro wokusarudza kuti mashoko api anofanira kupiwa kuimba yokutenda, uyewo “nguva yakafanira” yokuti aparadzirwe. Zvokudya zvomudzimu izvi zvinowanikwa bedzi kuburikidza nesangano raMwari. Nguva dzose tinofanira kutarira kunzira yaMwari yakagadzwa kuti tiwane mashoko akanaka, kwete kumubatanidzwa wevanhu vanoshandisa Indaneti.—Mat. 24:45.
6 Nzvimbo Yokubudisira Mashoko paIndaneti: Tine Nzvimbo yepamutemo yokubudisira mashoko paIndaneti: www.watchtower.org. Nzvimbo iyoyi yakakwana kuita kuti mashoko awanikwe kuvanhu voruzhinji. Hapana chikonzero chokuti munhu upi noupi, dare, kana kuti ungano igadzire mashoko okubudisa paIndaneti pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Vamwe vakatumira zviri mumabhuku edu zvine magwaro ose nemashoko okuratidzira akanyorwa zvakazara uye vakatogovera zvinhu zvine chokuita nekokorodzano vachibvisisa mupiro. Kunyange pakava nepurofiti inobatanidzwa kana kuti kwete, tsika yokukopa ndokuparadzira mabhuku eZvapupu zvaJehovha nomukombiyuta kuputswa kwemitemo yekodzero youridzi. Nepo vamwe vangazviona sebasa rinoitirwa hama, hazvitenderwi uye zvinofanira kuregerwa.
7 Kusarudza kwakanaka uye kuva nepfungwa dzakanaka patinoshandisa kombiyuta pakukurukurirana kuchaita kuti tive nechokwadi chokuti pfungwa dzedu dzakazara ‘nezvinhu zvinokosha uye zvinofadza.’—Zvir. 24:4.