RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/02 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 9/02 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Sept. 15

“Mamiriyoni evanhu anodavira kuti ‘vasande’ vane simba chairo uye kuti zvakanaka kunyengetera nokwavari. Munofungei? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu Kristu. [Verenga Johani 14:6.] Izvi zvinoita kuti vamwe vave nemibvunzo pamusoro pokunyengetera kuburikidza ne‘vasande.’ Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura nezvenhau iyoyo inokosha.”

Nharireyomurindi Oct. 1

“Vakawanda vanonetseka kana zvinetso zvose zvakatipoteredza zvichazombopera—hondo, utsotsi, nougandanga. Munofungei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopa vimbiso iyi inonyaradza. [Verenga Pisarema 37:10, 11.] Magazini iyi inotsanangura chikonzero nei Mwari asati agumisa uipi uye kutambura kwahunokonzera.”

Mukai! Oct. 8

“Nhasi vakawanda vanonetseka pamusoro pougandanga, kusanganisira kushandiswa kwezvombo zvoutachiona. Munofunga kuti hurumende dzevanhu dzinogona kubvisa ugandanga panyika here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza zvinofungwa naMwari. [Verenga Ezekieri 34:28.] Magazini iyi yeMukai! inotaura zvimwe zvinobatanidzwa.”

Mukai! Oct. 8

“Nhasi kunoita sokune kuwedzera kunoshamisa kwemhuri dzine mubereki ari oga. Bhaibheri rinoratidza kuti Musiki wedu anodzinzwira tsitsi. [Verenga Pisarema 146:9.] Magazini iyi yeMukai! inoratidza kuti nhungamiro yeBhaibheri ingabatsira sei vabereki vari voga kurera vana vavo zvinobudirira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe