Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Sept. 1
“Tose tinoda kufara. Munofunga kuti zvinhu zvinotaurwa pano zvinogona chaizvoizvo kuunza mufaro here? [Verenga Mateu 5:4a, 6a, 10a. Zvadaro rega apindure.] Magazini iyi inotsanangura zvinorehwa nemashoko omuMharidzo yepaGomo yakakurumbira uye inotaura zvimwe zvinodiwa kuti munhu afare.”
Mukai! Sept. 8
“Zvinofungidzirwa kuti munhu mumwe pavanhu vana achava nechirwere chepfungwa pane imwe nguva muupenyu hwake. Vakawanda vedu tinotoziva mumwe munhu anacho. [Vhura nyaya yacho.] Nyaya iyi inopa mazano anobatsira ezvatingaita kana mumwe munhu watinoda achitorwara nacho.”
Nharireyomurindi Sept. 15
“Mamiriyoni evanhu anotaurawo mashoko aya anozivikanwa zvikuru muminyengetero yavo. [Verenga Mateu 6:10.] Munofunga kuti upenyu hungadai hwakaita sei dai kuda kwaMwari kwaiitwa zvizere pasi pano? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora zvinoreva chikamu chimwe nechimwe choMunyengetero waShe, kusanganisira chikamu chatichangobva kuverenga.”
Mukai! Oct. 8
“Vanhu vakawanda vari kunetseka nezvedambudziko riri kuramba richiwedzera pane vechiduku—makwikwi okunwa. Makambonzwa nezvaro here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 20:1.] Makwikwi okunwa anoita kuti vechiduku vapinde mungozi dzakawanda. Nyaya iyi ine mashoko angagona kuvabatsira kurwisa chinetso chokunwa doro zvisina kufanira.”