Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Dec. 15
“Panguva ino yegore, vakawanda vanofunga nezvokuberekwa kwaJesu. Maiziva here kuti pane zvidzidzo zvinokosha zvatingadzidza munhoroondo yeBhaibheri nezvokuberekwa kwake? [Rega apindure. Zvadaro vhura papeji 5, uye verenga 2 Timoti 3:16.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura zvimwe zvezvidzidzo izvi.”
Mukai! Jan. 8
“Munofunga kuti vabereki vane chikonzero chokunetseka here nezvokuti varaidzo yemazuva ano ine kurwisana iri kukanganisa sei vana vavo? [Rega apindure.] Vabereki vakawanda vanoshandisa ndima iyi yeBhaibheri senhungamiro. [Verenga Pisarema 11:5.] Magazini iyi yeMukai! inobatsira mhuri kuti dziongorore njodzi dzinobatanidzwa mumitambo yemavhidhiyo.”
Nharireyomurindi Jan. 1
“Vanhu pavanofirwa nomudiwa kana kuti pavanotambura nechirwere, vanowanzobvunza kuti, ‘Nei Mwari achibvumira izvi?’ Zvichida wakambobvunza mubvunzo wakadaro. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anonzwira tsitsi vaya vanotambura. [Verenga Isaya 63:9a.] Magazini iyi inotsanangura chikonzero nei tingava nechokwadi chokuti Mwari achagumisa kutambura.”
Mukai! Jan. 8
“Munofunga kuti hurumende inofanira kudzivisa vanhu kutaura zvavanoda here? [Rega apindure.] Zvakadini kana kuri kutaura nevamwe nezvechitendero, sezvatinoverenga pano apa? [Verenga Mabasa 28:30, 31.] Nguva pfupi yapfuura, mubvunzo uyu wakasvitswa kuDare Repamusoro-soro rokuUnited States. Munokumbirwa kuverenga nezvawo mumagazini iyi yeMukai!”