RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/07 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 12/07 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Dec. 15

“Panguva yezororo, vanhu vakawanda vanoedza kuitira vamwe mutsa netsiye nyoro. Munofunga kuti nyika yaizova nzvimbo iri nani here kudai vanhu vaigara vachiitira vamwe tsiye nyoro gore rose? [Rega apindure. Zvadaro verenga 1 Petro 3:8.] Magazini ino inotsanangura kukosha kwetsiye nyoro uye inotaura dzimwe nzira dzinobatsira dzatingaratidza nadzo tsiye nyoro.”

Awake! Dec.

“Munofunga kuti vadiwa vedu vakafa vachararamazve here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura kuti rufu ruchabviswa. [Verenga Pisarema 68:20.] Magazini ino inoratidza kuti nei tisingafaniri kutya rufu sechinhu chichagumisa zvachose upenyu hwedu.”

Nharireyomurindi Jan. 1

“Vanhu vakawanda vanonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye. Somuenzaniso, onai munyengetero uyu wakakurumbira uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake. [Verenga Mateu 6:9, 10.] Makambofunga here kuti Umambo chii uye kuti huchauya rini? [Rega apindure.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yacho.”

Awake! Jan.

“Munhoroondo yose yevanhu, vakadzi vave vachisarurwa uye vachiitirwa chisimba. Munofunga kuti nei zvichidaro? [Rega apindure.] Onai kuti Bhaibheri rinorayiridza varume kuti vangabata sei madzimai avo. [Verenga 1 Petro 3:7.] Magazini ino inoratidza kubva muBhaibheri kuti Mwari naKristu vanoona sei vakadzi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe