Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 15
“Tichifunga nezvokuteurwa kweropa kwose kwakaitika, munofunga kuti uipi hwakurira zvinhu zvakanaka here? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri nezvaMwari. [Verenga Pisarema 83:18b.] Sezvo Mwari ari Wokumusorosoro kumusoro kwepasi, uipi hunogona kukunda chaizvoizvo here? [Rega apindure.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inopa mhinduro inogutsa yomubvunzo iwoyo.”
Mukai! Feb. 8
“Kana uri kuchikoro kana kukoreji, ichokwadi kuti unoda kubudirira mubvunzo dzako. Asi vadzidzi vakawanda vanobiridzira. Nei uchifanira kudzivisa tsika yakaipa iyi? [Verenga VaGaratiya 6:7.] Unofunga kuti dzidziso iyi inoratidzei nezvokubiridzira? [Rega apindure.] Magazini iyi ichakubatsira kuona kuti nei uye sei uchifanira kudzivisa kuva asina kutendeseka asi uchingobudirira mubvunzo dzako.
Nharireyomurindi Feb. 1
“Mazuva ano vanhu vakawanda vanonetseka nokushayikwa kwemabasa, uye vamwe vanomanikidzwa kushanda zvakaoma kubasa. Munofunga kuti zvinobvira here kunzwa uchifara uye wakachengeteka kubasa? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 65:21-23.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura nezvenguva apo munhu wose achava nebasa rinopa mubayiro.”
Mukai! Feb. 8
“Magazini iyi yeMukai! inoshuma chimwe chinhu chechokwadi chinorwadza munguva yedu—upfambi hwevana. Uku kubata vana zvakaipisisa ndechimwe chinhu chinovimbiswa neBhaibheri kuti kuchapera nokukurumidza. [Verenga Zvirevo 2:21, 22.] Magazini iyi inoratidza chinokonzera kusabatwa zvakanaka kwevana ikoko uyewo mapedzerwo akuchaitwa.”