Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 15
“Vanhu vakawanda vanoshandisa zvifananidzo pakunamata kwavo. Munofunga kuti zvinhu zvakadaro zvine masimba okuponesa here? [Rega apindure.] Ndapota onai zvatichaitirwa naMwari wechokwadi. [Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.] Mwari chaiye ndiye chete anogona kuita izvozvo. Magazini ino inoratidza kuti iye ndiani uye kuti tingabatsirwa sei nokuvimba naye.”
Nharireyomurindi Feb. 1
“Pane kunetseka kukuru nezvokusvibiswa kwemhoteredzo. Asi makambofunga here nezvokusvibiswa kwepfungwa? [Rega apindure.] Bhaibheri rinosimbisa kukosha kwokuchena mumuviri nomumudzimu. [Verenga 2 VaKorinde 7:1.] Ndine chokwadi chokuti muchaona mashoko aya achibatsira uye achishanda.”
Mukai! Feb. 8
“Zvimwe tingasanyanya kufunga nezvokuti tine nzvimbo yatinoti musha. Asi mamiriyoni evapoteri pasi pose vanongomberereka, vasingawani kuchengeteka kwavanotsvaka. Mukai! inoongorora kuti nei dambudziko iri riripo uyewo chipikirwa cheBhaibheri chokuti rimwe zuva munhu wose achava nomusha wake pachake.”
Mukai! Feb. 8
“Pasina mubvunzo makaona kuti nepo michato kazhinji ichitanga nomufaro, yakawanda inoputsika. Ndingada kukusiyirai magazini ino yeMukai!, sezvo ichitaura zviri muBhaibheri maererano nomuchato unogara uye une mufaro.”