RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/04 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Yakurukurwa Munguva, Yaenzanirana Zvikamu Zvose
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mhedziso Yakakodzera uye Kuchengeta Nguva Kwako
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzirira Kwatingaita Musangano Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mirayiridzo Kune Vaya Vanopa Hurukuro paMusangano Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 1/04 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tingava sei nechokwadi chokuti nguva yemisangano yachengetwa?

Nguva inomhanya patinenge tichiita chimwe chinhu chakanaka neshamwari. Nechikonzero ichi, zvingava zvakaoma kupa hurukuro dzepamisangano munguva yakatemwa. Chii chingatibatsira?

Tangai Nenguva. Apo ungano yose inoungana, zvingabatsira kukumbira vateereri kugara munzvimbo dzavo muminiti imwe kana maviri purogiramu isati yatanga kuitira kuti musangano wacho ugone kutanga nenguva yakasarudzwa zvakarongeka. (Mup. 3:1) Misangano inoitwa mumapoka maduku, yakadai semisangano yebasa romumunda, haifaniri kunonoka kutanga tichimirira vaya vanganonoka kusvika.

Nyatsogadzirira. Kufanogadzirira kunokosha pakuchengeta nguva. Ita kuti chinangwa chehurukuro yako chijeke mupfungwa. Ziva pfungwa huru, uye dzisimbise. Usatsauswa nepfungwa dzisinganyanyi kukosha. Ita kuti zvaunokurukura zvive nyore kunzwisisa. Kana hurukuro yacho iine mienzaniso kana kuti kubvunzurudza, zvidzidzire pachine nguva. Nepaunogona napo, ona kuti uri kuchengeta nguva yehurukuro yako paunenge uchiidzidzira zvinonzwika.

Kamuranisa Zvauchada Kukurukura. Ingave hurukuro kana kuti kukurukurirana nevateereri, uchaona zvichibatsira kuva nezvikamu. Sarudza kuti uchapedza nguva yakawanda sei pachikamu chimwe nechimwe, uye inyore pamucheto wezvawanyora. Woramba uchitarira nguva yako paunenge uchikurukura. Pakukurukurirana nevateereri, chenjerera kupindurisa vakawanda uchangotanga zvokuti ungazokurukura uchikurumidza zvinhu zvinokosha zviri kwokupedzisira. Vaitisi veChidzidzo cheNharireyomurindi vanofanira kusiya nguva yakakwana yokuzokurukura bhokisi rokudzokorora pakupedzisira. Vanofanirawo kungwarira kusashandisa nguva yorwiyo nomunyengetero zvokugumisa.

Gumisai Panguva. Kana misangano iine zvikamu zvinoverengeka, zvakadai soMusangano Webasa, mukurukuri mumwe nomumwe anofanira kuziva nguva yokutanga hurukuro yake nokuigumisa. Chii chingaitwa kana musangano uri shure kwenguva? Hama imwe kana dzinoverengeka dzingachengetedza nguva nokupfupikisa hurukuro dzadzo nokungotaura pfungwa dzinokosha. Kugona kuita izvi chiratidzo chomudzidzisi ane unyanzvi.

Sevateereri, tinogona kubatsira hama iri kuitisa musangano nokupa mhinduro pfupi dzakananga. Naizvozvo, tose zvedu tingabatsira kuti misangano iitwe “nenzira yakafanira uye nokurongeka.”—1 VaK. 14:40.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe