Mirayiridzo Kune Vaya Vanopa Hurukuro paMusangano Webasa
Kutanga neUshumiri Hwedu hwoUmambo huno, mashoko anoshandiswa papurogiramu yeMusangano Webasa anenge ava nyore kunzwisisa. Mirayiridzo nezviyeuchidzo zviri pasi apa zvichatsiva uye zvichajekesa zvakataurwa munyaya yaiti “Kugadzirira Kwatingaita Musangano Webasa,” yaiva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2009.
◼ Hurukuro: Iyi ihurukuro inenge ichibva mubhuku rinenge rataurwa ipapo uye hapana chinotaurwa nevateereri. Mukurukuri achataura zvinenge zvichinyanya kubatsira ungano yacho.
◼ Mibvunzo nemhinduro: Sezvinongoitwa Nharireyomurindi, chikamu ichi chine sumo uye mhedziso pfupi chaizvo, uye pandima dzose pane mibvunzo. Anoitisa haafaniri kutaura zvakawandisa. Magwaro anokosha anogona kuverengwa kana pane nguva. Ndima hadzifaniri kuverengwa kunze kwokunge pane mirayiridzo iri kuti dziverengwe.
◼ Kukurukurirana: Pahurukuro iyi apo neapo vateereri vanotaurawo. Haisingori hurukuro chete uye haifaniri kuzara nemibvunzo nemhinduro.
◼ Mienzaniso Uye Kubvunzurudza: Mirayiridzo inenge ichiti enzanisirai inoreva kuti hama inenge iine hurukuro iyi ndiyo inofanira kuronga kuti pave nomuenzaniso; kwete kuti iyo ibve yapa muenzaniso wacho. Vanhu vainosarudza vanofanira kunge vari vanhu vanokodzera, vanogona kunyatsobudisa pfungwa iri kudiwa uye vanoita zvakanaka muungano, uye kana zvichiita hama iyi inofanira kuronga navo pachine nguva. Hazvinyatsoita kuti vaparidzi vatsva uye vasati vava nounyanzvi vashandiswe kuenzanisira maitirwo ebasa kungoitira kuti vamboendawo pachikuva, asi vamwe vacho vangashandiswa havo savanasaimba. Vaparidzi vanenge vachienzanisira mharidzo vanofanira kunge vakatarira vateereri. Vaya vanenge vanzi vachabvunzurudzwa vanofanira kupa mhinduro dzavo vari kuchikuva kwete vakagara mune vateereri. Mienzaniso uye kubvunzurudza zvinofanira kudzidzirwa uye kumboonekwa kuti zvakadini misangano isati yaitwa. Kana musangano wava kuda kudya nguva uye hama ichifanira kupfupisa hurukuro yayo, mienzaniso kana kuti kubvunzurudza hazvifaniri kuregwa. Vashumiri vanoshumira vanofanira kutanga vabvunza murongi mudare revakuru kana kuti mumwe mukuru vasati vasarudza vanhu vavachada kushandisa.
Kana pane imwe hurukuro ine mirayiridzo inokosha, mirayiridzo iyi inofanira kunyatsotevedzerwa. Kana hurukuro dzeMusangano Webasa dzikapiwa sezvataurwa pamusoro apa, hama dzichaita kuti Misangano Yebasa inyatsoitwa “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaKorinde 14:40.