Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Mar. 1
“Pane imwe nguva, Jesu Kristu akabvunzwa kuti: ‘Murayiro wokutanga pane yose ndoupi?’ Onai mhinduro yake. [Verenga Mako 12:29, 30.] Makambofunga kuti Jesu airevei here? [Rega apindure.] Nyaya inoti ‘Kuratidza Kwatinoita Kuti Tinoda Mwari’ inotaura zvinoreva mashoko iwayo akakurumbira.”
Mukai! Mar. 8
“Pane imwe nguva, vanhu vakawanda vaigara vachitya hondo yenyukireya. Munofunga kuti hondo yenyukireya ingangoitika here nhasi? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora zviitiko zvemazuva ano zvatiine hanya nazvo tose. Inotsanangurawo chipikirwa cheBhaibheri chomunyika munezenge musina kutya.” Verenga Zefania 3:13.
Nharireyomurindi Mar. 15
“Tinoda kukukokai kuzochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru musi weSvondo, April 4. [Tsanangura uchishandisa butiro reseri kwemagazini yacho kana kuti pepa rakadhindwa rokukokera Chirangaridzo. Zvadaro verenga Ruka 22:19.] Nyaya dzokutanga mumagazini iyi yeNharireyomurindi dzinotaura zvinoreva chiitiko ichi uye kuti chinochengetwa sei.”
Mukai! Apr. 8
Pashure pokunge wataura njodzi inosuwisa ichiri kufungwa nevanhu, bvunza kuti: “Makamboshamisika here kuti nei Mwari achibvumira zvinhu zvakadaro kuti zviitike? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jakobho 1:13.] Nyaya iyi, yakanyorerwa kunyanya vechiduku, inotsanangura chikonzero nei Musiki wedu ane rudo asati apindira kuti agumise kutambura kwevanhu.”