Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Apr. 1
“Makambonzwa here zvichinzi sayenzi neBhaibheri zvinopesana? [Rega apindure.] Magazini ino inoongorora nhoroondo yokupesana kwesayenzi nechitendero. Asi inopawo uchapupu hwokuratidza kuti sayenzi yechokwadi inopindirana neBhaibheri.” Muratidze mapeji 6-7. Zvadaro verenga Muparidzi 1:7.
Awake! Apr. 8
“Munofunga kuti vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vasapinda mumatambudziko mumakore akaoma okuyaruka? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 48:17, 18.] Magazini ino inoratidza kuti kushandisa zano reBhaibheri kungabatsira sei vabereki kuti vakurukurirane zvakanaka nevana vavo uye kuvarambidza zvimwe zvinhu.”
Nharireyomurindi Apr. 15
“Handizvo here kuti mazuva ano pane mashoko asingaperi anowanika? [Rega apindure.] Zvisinei, hapana angakosha kudarika anotaurwa murugwaro urwu. [Verenga Johani 17:3.] Magazini ino inotsanangura zvinoreva mashoko okuti ‘upenyu husingaperi’ uye kuti tingawana sei zivo inoita kuti tihuwane.”
Awake! Apr. 22
“Kunyange zvazvo Jesu Kristu zvimwe achizivikanwa zviri nani pane mumwe munhu upi noupi akamborarama, vanhu vakawanda vanonetseka kuti anombova ani chaizvo. Maiziva here kuti kunyange vaapostora vaJesu vakanetseka pamusoro peizvi? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mako 4:41.] Magazini ino inoongorora zvinotaura Bhaibheri nezvokunyatsozivikanwa kwaJesu.”