Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Kubatsira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro
Muratidze Nzvimbo Yedu yepaIndaneti: Muratidze kuti angashandisa sei pakanzi “Sarudza Mutauro” kuti aone peji yacho mumutauro wake. (Mamwe mashoko ari panzvimbo yedu yepaIndaneti haasati ava kuwanikwa mune mimwe mitauro.)
Muratidze Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Mumutauro Wake: Vhura peji yerimwe remabhuku edu, akadai sebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti turakiti raZiva Chokwadi. Sarudza mutauro wasaimba pakanzi “Chinja Mutauro.”
Ita Kuti Ateerere Nyaya Yakarekodhwa: Tsvaka nyaya yakarekodhwa mumutauro unonzwisiswa nasaimba, wobva waita kuti aiteerere. Kana uchidzidzira mumwe mutauro unogona kuvandudza nokuteerera zvakarekodhwa mumutauro wacho paunenge uchiverenga.—Enda pakanzi “Publications/Books and Brochures” kana kuti “Publications/Magazines.”
Paridzira Matsi: Kana ukaona matsi, iratidze vhidhiyo yemutauro wemasaini yechimwe chitsauko chiri muBhaibheri, bhuku, bhurocha, kana kuti turakiti.—Enda pakanzi “Mabhuku/Mutauro Wemasaini.”
[Mufananidzo uri papeji 6]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mashandisiro
1 Baya ▸ kuti uteerere zvakarekodhwa zvaunenge wasarudza (kana zviripo mumutauro wako) kana kuti pakanzi “Makopero Aungaita” kuti ukope bhuku racho.
2 Sarudza mumwe mutauro pakanzi “Chinja Mutauro” kuti uone peji iyi mumutauro wasaimba.
3 Kuti uverenge imwe nyaya baya pakanzi “Zvinotevera” kana kuti zviri pasi pemusoro wakanzi “Zviri Mukati.”