Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 1
“Vachiedza kunatsiridza nzanga yevanhu, vamwe vatungamiriri vechitendero vakabatanidzwa mune zvematongerwe enyika. Zvisinei, onai zvakaitwa naJesu vanhu pavaida kumuita mambo. [Verenga Johani 6:15.] Jesu akataura nezvechimwe chinhu chaizounzira vanhu zvinhu zvakanaka nokusingaperi. Magazini iyi inotaura kuti chii ichocho.”
Mukai! May 8
“Vanhu vakawanda vanotarisana nemamiriro ezvinhu anonetsa kubasa. Vamwe vanotoshushwa nevavanoshanda navo. Maiziva here kuti Bhaibheri rine zano ringatibatsira kukurira zvinetso zvakadaro? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 15:1.] Magazini iyi inopa mazano anobatsira okuti mungaramba sei muine rugare nevamwe kubasa.”
Nharireyomurindi May 15
“Makambofunga here kana Mwari aine basa nezvinoitwa nevanhu pasi pano? [Rega apindure.] Onai kuti zvatinoita zvingaita kuti Mwari anzwe sei. [Verenga Zvirevo 27:11.] Magazini iyi inotaura nezvemimwe mienzaniso yevanhu vakaita kuti mwoyo waMwari ufare, uye inotsanangura kuti isu tingaita sei zvakafanana.”
Mukai! June 8
“Sayenzi yezvokurapa yafambira mberi zvinoshamisa mukurwisa hosha, asi munofunga kuti tichazomboona nyika ichange isisina zvirwere zvachose here? [Rega apindure.] Magazini iyi inotsanangura kuti rimwe zuva munhu wose ari pasi pano achava noutano hwakakwana zvichizadzika chipikirwa ichi.” Verenga Isaya 33:24.